Gweta uye vachitungamira bato rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vachishanda nesangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vakakwidza nyaya kumatare yekuti vana havafanire kurangwa neshamu kana vachinge vakanganisa vachiti uku kutyora bumbiro remutemo idzva.
Dare repamusoro reHigh Court rakapa mutongo wekuti kurova mwana nechamboko kutyora kodzero dzake.
Izvi zvakatevera kukwidzwa kudare iri kweimwe nyaya yemukomana ane makore gumi namashanu uyo akabata chibharo ndokunzi anorohwa nechamboko.
VaBiti vakati kunyika dzakawanda nyaya yekurova vana nechamboko yakamiswa kare kare.
Asi mukuru wedare iri vari mumwewo wevatongi vapfumbamwe vari kunzwa nyaya iyi, VaGodfrey Chidyausiki, vakati vanoda humbowo hwakasimba hwekuti izvi zvakaregwa kuitwa vana havazoite nhinhi here?
Vange vakamirira hofisi yemuchuchusi mukuru wenyika, VaJustin Uladi, vanoti mutemo uripo hauna kuipa sezvo uchiti mwana anongorohwa zvakafanira kwete kuita zvekuponda.
Mutongo panyaya iyi hausati wapihwa uye hapana kutarwa kuti dare reConCourt ichagarazve riini.