Nhengo dzeMDC dzinosvika gumi nenomwe dzichamiswa pamberi pedare nemusi weChipiri dzichipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kuHarare South nemusi weSvondo apo vatsigiri veMDC vakarwiswana nemapurisa.
Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti nhengo dzeMDC idzi dzaida kuita musangano pasina mvumo yemapurisa.
Svondo rapera, munzvimbo imwe cheteyo maikaitawo kurwisana pakati penhengo dzeMDC-T nedzeZanu-PF.
Nyaya yemhirizhonga iyi yapa kuti munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanyore tsvamba kuZimbabwe Human Rights Commission kuitira kuti iferefete nyaya yemhirizhonga yodzika midzi munyika munyaya dzezvematongerwo enyika.
Mumisangano yange ichiitwawo nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nhengo dzeZanu-PF dzange dzichiyedzawo kuvhiringidza misangano iyi.
Asi bato iri rinoti hapana kana nhengo yeZanu-PF yakasungwa.
Mutauriri weMDC, VaObert Gutu, vanoti zviri pachena kuti mapurisa ari kushunguridza nhengo dzebato ravo.