Accessibility links

Breaking News

Vakasungwa Mumhirizhonga kuChitungwiza Vanobvisa Mari yeChibatiso


Zimbabwe Police
Zimbabwe Police

Rimwe gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKennedy Masiye, vari kumirira vanhu vakasungwa mumhirizhonga yakaitika kuChitungwiza kusanganisawo vamwe vechidiki vatatu vakamiswa pamberi pedare nemusi weChina.

Kuratidzira uku kwakatangwa nevemakombi avo vakenda kunosiya motokari dzavo pamahofisi ekanzuru vachiti vainge vasiri kufara nenyaya yekuwedzerwa kwemari yemutero yavanobhadhara kukanzuru.

Asi vanonzi vakazorwiswa nevamwe vechidiki veZanu-PF zvakapa kuti mapurisa apindire asi achizoguma asunga vanhuwo zvavo.

Vechidiki ava vanosanganisira Lizbert Mutero ane makore gumi nemashanu, Takudzwa Chirwadzimba ane makore gumi nematanhatu uye Simbarashe Nkwezaramba ane makore gumi nemapfumbamwe.

VaMasiya vanoti vatatu ava havana kubhadhariswa mari yechibatiso. Asi vamwe vose vainge vasungwa vakanzi nedare vabhabhare mari inosvika madhora makumi mashanu pamunhu.

Hurukuro naVaKennedy Masiye
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG