Accessibility links

Breaking News

Zec Yotatsurana Zvakare neNera


michina yeBVR yekuvhotesa
michina yeBVR yekuvhotesa

Paitazve ropa rakaipa pakati pekomisheni inoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission, Zec, nesangano rinomirira mamwe mapato anopikisa reNational Electoral Reform Agenda, kana kuti Nera nezvemitemo yesarudzo.

Zec yakaburitsa zviga zvesarudzo zvekuti vanhu vazeye kana kuti draft voter registration regulations.

Zec inoti yapa mapato ose ezvematongerwo enyika pamwe nevane chekuita nesarudzo mavhiki maviri ekuti vape pfungwa dzavo.

Zvimwe zviri kuda kunzi zvizeyiwe inyaya yehuwandu hwevanhu vanokwanisa kuvhota panzvimbo kana kuti polling station.

Nera inoti yainge vatenderana neZec kuti vanhu ava vave churu chete asi Zec yave kuda kuti pavhote churu nemazana mashanu zvinonzi nevanopikisa zvinogona kupa kuti vamwe vatadze kuvhota.

Vanopikisa vanoti mari iri kudiwa kuti vawane gwaro revavhoti yakawandisa.

Nera inotiwo inoda kuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vavhote.

Mutauriri weNera, VaDouglas Mwonzora, vanoti havasi kufara nezviri kutaurwa neNera sezvo zvichizotadzisa vamwe vanhu kuvhota.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sachigaro weZec, Amai Rita Makarau, vanoti vasiri kufara nezvakatura komisheni yavo vakasununguka kuzotaura navo kuti vagadzirise pakakodzera kugadziriswa.

Hurukuro naAmai Rita Makarau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG