Accessibility links

Breaking News

VaTogarepi Vanoti Vanobviswa Matomu naVaMugabe Chete muZanu PF


Zanu PF Youths
Zanu PF Youths

Mukuru wevechidiki muZanu PF, VaPepurai Togarepi, vanoti vechidiki havana masimba ekuvamisa basa, sezvo vasina kuvhoterwa kuva mukuru weboka iri.

Mukuru wevechidiki muZanu PF, VaPepurai Togarepi, vanoti vechidiki havana masimba ekuvamisa basa, sezvo vasina kuvhoterwa kuva mukuru weboka iri.

Mashoko aVaTogarepi anotevera kuwirirana kwakaita vechidiki veZanu PF kuvamisa basa ivo VaTogarepi nedzimwe nhengo nhatu dzeboka iri vachipomerwa mhosva yekusabata basa revechidiki sezvinotarisirwa.

VaTogarepi, avo vanove nhengo yebazi repamusoro rePolitburo mubato reZanu PF, nevamwe vaviri vanoti munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubazi revechidiki, VaLewis Mathuthu, pamwe nemutevedzeri wemunyori wezvekufambiswa kwemabasa, Muzvare Sibongile Sibanda, vanonzi vakambomiswa basa pamusangano wevechidiki wakaitwa neMuvhuro manheru.

Asi VaTogarepi vanoti havasati vataurirwa kuti vakamisirwei basa, kunyange hazvo vachiti vakanzwa kuti vechidiki vaigunun’una kuti havasi kufambisa mabasa evechidiki zvakanaka.

VaTogara vanoti kusawirirana kwavo nevechidiki hazvinei nezvemwana wavo, Gabriel, uyo akadzingwa muZanu PF svondo rapera achipomerwa mhosva yekutuka mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Asi VaTogarepi vanoti zvakaitwa nevechidiki kuteya nzou neriva sezvo vasina masimba ekuvamisa basa nekuti havana kuvhoterwa nemunhu pachigaro chavari, asi kuti vakadomwa nemutungamiri webato, VaRobert Mugabe, kuti vatungamire vechidiki, sezvinodiwa nebumbiro rebato ravo.

Zvakaitwa nevechidiki zviri kukatyamadza veruzhinji muZano PF, sezvo VaMugabe vakarumbidza VaTogarepi kuMasvingo masvondo maviri apera vachiti vakaronga zvakanaka bhavhadheyi ravo.

Mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati vachataura chete kana vaverenga tsamba ichabva kunhengo dzevechidiki nedanho ravatora.

VaKhaya Moyo vati zvinhu zvose zvichaitwa zvichienderana nebumbiro rebato.

Kunetsana kuri muZanu PF kunonzi kuri kukonzerwa nezvikwata zviviri zvinonzi zviri kurwira masimba.

Chikwata che Generation 40 chinonzi chiri kutsigira Amai Mugabe, ukuwo chikwata che Team Lacoste chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG