Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yozvishambadzira Zvine Mutsindo Ichikwezva Vashanyi veKunze


Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Va Walter Mzembi, vanoti hurumende yapa mvumo kubazi ravo kuti ritange chirongwa chekushambadzira musangano mukuru we United Nations Tourism Organisation Congress, uyo uchaitirwa kuVictoria Falls neLivingstone kuZambia muna Nyamavhuvhu gore rinouya.

Chirongwa ichi chinonzi chinoda mari yakawanda zvikuru kuitira kuti vanhu vakawanda pasi rose vazive nezvemusangano uyu, uye kunaka kwakaita Zimbabwe senyika yekubvakachira.

Hurumende inonzi yabvuma kupa bazi rezvekushanyirwa mari iyi kuitira kuti basa rekushambadza nyika senyika yemafaro nekuvaraidzwa nezviwanikwa rifambire mberi.

Zimbabwe ine nzvimbo dzakaita seVictoria Falls, Zimbabwe Ruins, Kariba, Hwange, Mutusadonha, Matopo, Chinhoyi, Nyanga, Vumba nedzimwe.

VaMzembi vanoti vachatanga kushambadza nyika munhepfenyuru huru dzepasi rose dzinosanganisira Cable News Network, CNN iri muAmerica.

Mukuru we Zimbabwe Tourism Authority, VaKarikoga Kaseke, vanoti sangano ravo rakatotanga kushambadzira musangano uyu kune mimwe misangano yezvekushanya iri kuitirwa munzvimbo dzakasiyana siyana.

VaKaseke vatiwo vari kugadzirira kushanyira nyika dzinoti America ne Seychelles muna Chikunguru uko vachaenderera mberi nekushambadzira nyika.

XS
SM
MD
LG