Accessibility links

Breaking News

Nyama yeMombe Yonetsa Kuwana muZimbabwe


Geese of the Landi GmbH poultry farm are driven to their barn on Oct. 21, 2013 in Veckenstedt, central Germany. The company brings up around 8,000 geese per year. Roast goose is a traditional dinner in Germany at Christmas and Martinmas.
Geese of the Landi GmbH poultry farm are driven to their barn on Oct. 21, 2013 in Veckenstedt, central Germany. The company brings up around 8,000 geese per year. Roast goose is a traditional dinner in Germany at Christmas and Martinmas.

Mutengo wenyama yemombe unonzi wakakwira zvikuru, zvichikonzerwa nekushomeka kwemombe dzekuuraya.

Mitengo yenyama yemombe yepasi inonzi yakakwira kubva pa$3.60 kusvika pa$5.80, pakirogiramu rimwe chete, ukuwo nyama yepamusoro ichikwira kubva pakati pe$6.00 ne $7.00, ichienda pa$12.00 pakirogiramu muzvitoro zvizhinji muguta reHarare, nemamwe maguta.

Bulawayo, iyo yaisizivikanwa nekupfuya mombe dzenyama, inonzi yatarisanawo zvakare nedambudziko iri, sezvo nyika isisina mombe dzakawanda.

Mombe dzanga dzichibaiwa munyika dzinonzi dzanga dzichibva kuBotswana pasi pechibvumirano chehurumende mbiri idzi. Asi zvinonzi chibvumirano ichi chasvika kumagumo.

Gore rapera, Zimbabwe yakamboita zvakare dambudziko renyama zvichitevera danho rakanga ratorwa nehurumende rekurambidza kupinzwa kwenyama kubva kuSouth Africa, mushure mechirwere chemombe chakanga chaitika munyika iyi.

Nzvimbo zhinji dzinouarayirwa mombe neCold Storage Commission munyika, dzinonzi hadzisi kushanda sezvadzinotarisirwa kuita, izvo zviri kuzoita kuti nyika itarisire zvikuru kubva kune vemabhizimusi akazvimirira.

Tatadza kubata vakuru veCold Storage Commission, kanawo gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, kuti tinzwe mativi avo.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima, VaMoses Jiri, vanoti zviri kukonzera kushomeka kwenyama munyika inyaya yekutorwa kwakaitwa minda nechisimba uye kushaikwa kwechirongwa chinomutsiridza huwandu hwemombe munyika.

XS
SM
MD
LG