Accessibility links

Breaking News

VaMzembi Vanosarudzwa kuVic Falls Kuva Mutungamiri Mutsva weATA


Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, vakasarudzwa neMuvhuro manheru kuva mutungamiri mutsva weAfrica Travel Association, ATA. Izvi zvinoreva kuti VaMzembi vachange vakabata matomu kwemakore maviri anotevera.

VaMzembi vanoti chirongwa chegore rino cheATA chakabudirira zvikuru kana pachitariswa mabhizinesi akabuda kuburikidza nemusangano uyu.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Charles Ray, avo vakange vari pamusangano uyu, vanotiwo vakafadzwa zvikuru nemafambiro akaita musangano uyu. VaRay vanoti zvizvarwa zvekunyika yavo zvinofanirwa kushanyira Zimbabwe kuitira kuti zvione manakiro akaita Zimbabwe nezviwanikwa zvayo zvinoyevedza.

Hurumende inonzi yakanyorerana chibvumirano chemamiriyoni gumi emadhora nekambani yeWilderness Safaris. Pasi pechibvumirano ichi, Wilderness Safaris iri kutarisirwa kuvaka dzimba dzekurara munzvimbo iyi kuitira kuti pave nenzvimbo dzekurara dzakawanda sezvo nzvimbo yeVictoria Falls ichifarirwa nevanhu vakawanda vekunze.

Mumwe muzvinabhizinesi wemuVictoria Falls, Va Siphambaniso Moyo, vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa nhandare yeVictoria Falls kuitira kuti ndege zhinji dzikwanise kushandisa nhandare iyi.

VaMoyo vanoti vashanyi vazhinji havasi kufara nekumbotanga vamhara kune dzimwe nyika vasati vasvika muVictoria Falls, izvo zvinogona kugadziriswa kana nhandare ikagadziriswa.

Sangano reATA rakavambwa muna 1975 nechinangwa chekukurudzira kushanyirwa kweAfrica, zvikuru nevanhu vemuAmerica. Sangano iri rinokurudzirawo kuti vanhu vemuAfrica vashanyirane senzira yekusimudzira hupfumi hwenyika.

XS
SM
MD
LG