Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoronga Kuvandudza Mitemo yeSarudzo Sekurudziro yaVaZuma


South Africa's President Jacob Zuma addresses the media at the European Council building in Brussels, Tuesday, Sept. 28, 2010. (AP Photo/Yves Logghe)

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe, vabudirira mukumakikidza kwavo hurumende yemubatanidzwa kuti ivandudze mitemo yesarudzo sezvakatenderanwa makore maviri apfuura.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vaimbenge vachitsika madziro kuti bhiri iri riendeswe kuparamende kuti rizeyiwe rova mutemo, vazobvuma kuita izvi mushure mekunge VaZuma vasimbirira kuti zvakatenderanwa ngazviitwe kuitira kuti pave nesarudzo dzakachena.

Mubhiri iri mapurisa anenge asisina masimba akawanda pakuvhota sezvo zvakawanda zvinenge zvoitwa neZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC.

Nyaya dzemhirizhonga dzinenge dzoongororwawo nechimbi chimbi uye vanhu vanenge vovhota panzvimbo yekuvhotera imwe chete kwete zvekuti chero pavaenda muwadhi yavo. Zvabuda musarudzo zvinonzi zvinofanira kuziviswa kwapera mazuva mashanu chete kwete zvemavhiki mashanu zvakaitwa muna 2008.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zviri kunze kwenyika hazvisi kuzotenderwa kuvhota.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, VaAlex Magaisa, vanoti zviri mubhiri zvikatevedzerwa zvinogona kupa kuti pave nesarudzo dzisina mutauro..

Zvichakadaro, komiti yepamusoro inoona nezvemabasa muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yasangana neChitatu kuti izeye nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Nyaya dzazeyiwa dzinosanganisa mari dzemihoro yevashandi vehurumende uye nhaurirano dzehwaro hwesarudzo.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti havadi kuti vashandi vadye nhoko dzezvironda.

Vatiwo havasi kufara nemari dziri kushandiswa nevakuru muhurumende mukushanya kwavo kunze kwenyika. Bato iri rasungawo kuti hurumende inofanirwa kudzinga vose vari kunzi vashandi vehurumende vasiri kuzivikanwa mabasa avari kuita.

Pane vanhu vanodarika zviru makumi manomwe vanonzi havazivikanwi basa ravari kuita.

XS
SM
MD
LG