Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yogadzirira Kuverengwa kweVanhu


Bazi rinoona nezvekuverengwa kwezvinhu munyika, reZimbabwe National Statistics Agency, ratanga kugadzirira chirongwa chekuverenga vanhu munyika. Chirongwa ichi chichaitwa muna Nyamavhuvhu.

Chirongwa ichi chichaitwa kwemazuva mapfumbamwe kutanga nemusi wa18 kusvika 27 Nyamavhuvhu.

Pari zvino Zimstat iri kudzidzisa vashandi vayo vachange vachiverenga vanhu mumativi mana ose enyika.

Kuverengwa kwevanhu muZimbabwe kunoitwa mushure memakore gumi oga oga. Verengo yegore ra2002 yakaratidza kuti munyika maiva nevanhu mamiriyoni gumi nemana.

Zimstat iri kukurudzira veruzhinji kuti vaverengwe kuitira kuti hurumende ive nehuwandu hwechokwadi hwevanhu vari munyika.

Mukuru wesangano re Coalition for Market and Liberal Solutions, uye vachiongorora nyaya dzekugarisana kwevanhu, VaRejoice Ngwenya, vanoti chirongwa ichi ckakakosha zvikuru.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaparura hurongwa hwehurumende hwekukurudzira veruzhinji kuti vachengetedze mvura mumaguta senzira yekuti veruzhinji vagare vaine mvura nguva dzose. Chirongwa ichi chinoitwa apo hurumende iri mubishi kurwisana nezvirwere zvinokonzerwa nekushayikwa kwemvura yakachena pamwe nehutsvina.

Vachiparura chirongwa ichi mumusha weBudiriro muHarare neChishanu, VaTsvangirai vakurudzira veruzhinji kuti vashandise mvura zvine mwero kuitira kuti makanzuru agokwanisa kuvawanisa vanhu mvura nguva-nenguva.

VaTsvangirai vati chimwe chiri kukonzera dambudziko rekushayikwa kwemvura munzvimbo dzakawanda munyika, kunyanya muHarare, inyaya yekuti veruzhinji vari kusvibisa pombi dzinofamba nemvura zvinopedzisira zvaita kuti kanzuru itadze kuchenesa mvura iyi kuti igozoshandiswa neveruzhinji.

VaTsvangirai vati hurumende iri kushanda zvakasimba kuti zvirwere zvinokonzerwa nekushayikwa kwemvura yakachena zvipere munyika.

Zvichakadai, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaDouglas Mombeshora, vatsinhira zvataurwa naVaTsvangirai vachiti hutsanana, kubudikidza nekurasira marara mumabhini nekuchengetedza mvura, hunobatsirawo mukusimudzirwa kwehupfumi hwenyika.

Gurukota rezvemvura, VaSamuel Sipepa Nkomo, vatiwo hurumende iri kushandawo zvakaomarara kuti ipedzise kuvaka madhamu anoti Mazowe, Tokwe Mukosi pamwe ne Kunzvi kuitira kuti pasave nedambudziko remvura munzvimbo dzakawanda.

Mumwe mugari wemuBudiriro ati kunyange hazvo vari kufara nechirongwa chaparurwa, nzvimbo yavanogara ine dambudziko remvura nguva zhinji.

Vamwe vakuru vakuru vehurumende vanga varipowo pakuparurwa kwechirongwa ichi vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara, vakafanobata chigaro chegurukota rezvematunhu, Va Joseph Made, pamwe negurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa.
XS
SM
MD
LG