Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva reWorld Food Day munyika muine nzara yapfunya chisero.
Veruzhinji vanoti vave kurarama nehwaku mukwaku sezvo vasina zvekudya zvakakwana.
Mumwe wevanhu ava, Amai Emelda Chapeta, vanoti hupenyu hwaoma zvekuti vave kudya sadza kamwe chete pazuva uye izvi zviri kuomera vana vechikoro.
Mumwe mugari wekuMola kuSia Kobvu pedyo nerwizi rweZambezi, VaMilton Masaba, vanoti dunhu ravo rine nzara nekuda kwekusanaya mvura yakakwana nguva nenguva.
VaMasaba vanoti vanhu vedunhu ravo vanorarama nekushandira chikafu pasi pechirongwa cheUnited Methodist Church Organisation.
VaMasaba vanoti dambudziko renzara hariperi munzvimbo yavo. Vanoti bhagidhi rechibage rinotengwa nemadhora gumi, inova mari yakawanda kune vanoshaya.
Mumwe mugari wekuChikonohono muChinhoyi, VaTinashe Mapuranga, vanoti vanhu havana chikafu chakakwana.
VaMapuranga vanoti kushaikwa kwechikafu munyika kunowonekwa nekutenga upfu kana mafuta muhuwandu hudiki hunozivikanwa nekuti “tutsaona”.
Asi sachigaro weZimbabwe Human Rights Organisation (ZimRights), VaPassmore Nyakureba, vanoti sangano ravo rinoshushikana zvikuru nekuti zvekudya zvishoma zviri kuwanikwa munyika zvinopiwa vanhu nekuda kwebato ravanotsigira. Vanoti izvi zviri kuita kuti veruzvinji vasawane zvekudya.
VaNyakureba vanoti dambidziko rekushaya zvekudya munyika harisi kukonzerwa nekusanaya kwemvura yakawanda, asi kuti hurumende haisi kukoshesa chikamu chekurima muhurongwa hwayo.
Bazi reUnited Nations, reFood and Agriculture Organization, (FAO), rinoti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri vanoda kupiwa zvekudya munyika kusvika muna Kurume gore rinouya.
Zuva re World Food Day rakatanga kucherechedzwa pasi rose pakavambwa sangano reFAO muna 1945.