Accessibility links

Breaking News

VaMohadi Vopumha Vamwe Varoyi paNyaya Dzekuita Zvepabonde Dziri Kutenderera paIndaneti


Kembo Mohadi, State Security Minister

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, nhasi varamba mashoko ari kubuda mumapenhau ekuti vakaita zvehupombwe nemadzimai mana kusanganisira madzimai evanhu.

Mugwaro ravabuditsa kuvatori venhau nhasi, VaMohadi varamba mashoko ari kuburitswa nemapepanhau ekuti vakadanana nemadzimai aya anosanganisira Mumwe anoshanda muhofisi mavo.

Mumashoko avo, VaMohadi vati mashoko aya ari kuburitswa nevanhu vane chinangwa chekusvibisa zita ravo avo vavati vakapinda mufoni yavo zvisiri pamutemo pamwe nekutevedzera izwi ravo.

Gweta uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati mashoko abuditswa naVaMohadi haatauri zviri pachena kuti havasivo here vari kubuda mumasaisai vachinenedzerwa mhosva iyi.

VaMavhinga vati VaMohadi vanofanira kuongororwa nekukasika vachiti zvavakaita zvinosvibisa zita renyika.

Mutauriri wesangano seCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vatsinhirawo zvataurwa naVaMvhinga vachiti VaMohadi vari kuedza kuvanda nemunwe.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vati zvinonyadzisa kuti munhu akaita saVaMohadi anowanikwa achityora kodzero dzemadzimai vakati VaMohadi vanofanira kusiya basa.

Mamwe masangano emadzimai akaita seWomen’s Coalition of Zimbabwe akatonyorera komisheni inoona nezvekuenzaniswa kwemadzimai nevanhurume yeGender Commission kuti iferefete nyaya dziri kupomerwa VaMohadi kuti zvavakaita hakusi kutyora kodzero dzemadzimai here vachishandisa chinzvimbo chavo muhurumende

Mamwewo masangano akaita seZimbawe Human Rights NGO Forum neWomen and Law in Southern Africa aburitsawo mashoko achitsorodza VaMohadi akakurudzira kuti zvavanonzi vakaita zviongororwe.

Bepanhau repaindaneti, reZimLive ndiro riri kunyanya kuburitsa mavhidhiyo nenyaya dzinonzi dziri kuitwa naVaMohadi nemadzimai avanonzi vanodana nawo, kusanganisira madzimai echidiki akarorwa.

Asi VaMohadi vati zvose izvi manyepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG