Accessibility links

Breaking News

VeMachechi Vobatana Mukukurudzira Runyararo


Masangano emachechi makuru munyika anoti reZimbabwe Catholic Bishops Conference, Zimbabwe Council of Churches, neEvengelical Fellowship of Zimbabwe, abatana mukuumba sangano rimwe chete rinonzi Ecumenical Peace Observation Initiative in Zimbabwe, kana kuti EPOIZ, kuitira kuti akurudzire runyararo munyika.

Masangano aya anoti nhoroondo yeZimbabwe yemhirizhonga munguva yesarudzo ndoyapa kuti vade kuita chirwirangwe semakudo kuyedza kupodza hukasha munyika.

Masangano aya akatoita musangano nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uye achasanganawo nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nevamwe.

Mukuru wesangano reEPOIZ ,VaTendai Maregere, vanoti zvakakosha kuti munyika musadeuke ropa munguva yesarudzo.

Musarudzo dzapfuura muZimbabwe makaita mhirizhonga zvakapa kuti vanhu vanodarika zana zvikuru veMDC varasikirwe nehupenyu. Nyaya yemhirizhonga ndoyakapa kuti Zimbabwe itemerwe zvirango nezvika dzekunze.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG