Accessibility links

Breaking News

Pastor Mugadza Vanoti Zimbabwe Inoda Kutongwa neVanhu Vane Hunyanzvi


Mumwe mukuru wechechi yeRemnant kuKariba akasungwa muna Zvita achiratidzira ari ega kuVictoria Falls uko kwaiitirwa musangano wepagore weZanu PF, anoti Zimbabwe inoda kuti itongwe nevanhu vane hunyanzvi kuti ibude mumadhaka mairi.

Pastor Patrick Mugadza vakazobuditswa mutirongo neChina mushure mekubhadhara mari yechibatiso inosvika madhora makumi mashanu.

Pastor Mugadza vainge vambonzi namejastiriti mumwe chete iyeye, Amai Lindiwe Maphosa, vabhadhare madhora mazana mashanu ayo vavakatadza kubhadhara.

VaMugadza vakasungwa musi wa 11 Zvita vachipomerwa mhosva yekuita zvemusarinya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimirirwa mudare redzimhosva negweta, rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaThulani Nkala,.

Pastor Mugadza vanoti vanoziva kuti zvavari kuita zvinogona kuvatsakatisa sezvakaita kumurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara.

Asi vanoti nyaya yekuti vane rudo nenyika yeZimbabwe uye kutiwo vamwe, kusanganisira Jesu, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uye mushakabvu Joshua Nkomo, vakazvipira mukurwisa zvakaipa zvinovapa simba rekuti varambe vachirwa semusambangwena

XS
SM
MD
LG