Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Vanogona Kuratidzira


Sangano revarairidzi vari kumaruwa reRural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti RTUZ rinoti riri kuzoratidzira zvakasimba hurumende ikaenderera mberi nehurongwa hwayo hwekuti varairidzi vanenge vatadza kupasisa vana mubvunzo kusvika pazvikamu makumi mashanu kubva muzana vasapihwe mihoro.

Sangano iri rinoti rinotenderanawo nemamwa masangano akaita sezimta ne ptuz pakushora danho rehurumende rekudzora varairidzi vari pazororo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvedzidzo VaLazerus Dokora sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Mutungamiri wesangano reRTUZ VaObert Masaraure avo vati nyaya yekusabhadhara varairidzi kana vana vafoira haina nematuro ose.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG