Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weAmerica muZimbabwe Ovhiringirwa Musangano neZanu PF


Ambassador Bruce Wharton
Ambassador Bruce Wharton
Vatsigiri veZanu PF vatadzisa neChitatu mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBruce Wharton, kusangana nevagari vekwaMutare muhurongwa hwavo hwekunzwa zvinofungwa nevagari vemuguta iri.

Vatsigiri veZanu PF, avo vanga vachidarika zana, uye vaine zvinyorwa zvekunyomba America, vanga vachiratidzira vachiti America yakatemera Zimbabwe zvirango zvehupfumi. Varatidziri ava vakurura mbatya dzavo pamberi paVaWharton nevamwe vose vange varipo ndokusara nezvipfeko zvemukati chete vachiratidzira.

VaWharton vanga vachifanirwa kutanga musangano wavo masikati paTurner Memorial Library, asi izvi zvakundikana, zvichitevera zvaitwa nevatsigiri veZanu PF.

Mushure mekuona kuti zvinhu hazvina kumira zvaknaka, VaWharton nevamwe vavo, avo vambomira vachinzwa vatsigiri veZanu PF vachitaura, vapedzisira vapinda mumotokari dzavo ndokuenda.

Vachitaura neStudio 7 mushure mechiitiko ichi, VaWharton vati yange iri shuviro yavo kuita hurukuro nevanhu vemaMutare murunyararo. Vatiwo kunyange hazvo vachigamuchira kuti vanhu vane kodzero dzekuratidzira, varwadzikana zvikuru nekuona kuti vatsigiri veZanu PF vanga vasina pfungwa dzekutaurirana.

VaWharton vati zvinovarwadza kuti vanhu vashoma shoma vanogona kutadzisa vanhu vakawanda kuti vataure zvavanoda.

Mumwe mugari wemaMutare, VaEvans Gwaku, avo vange vauya kuti vanzwe zvaizotaurwa pamusangano uyu, vanoti vasuwiswa nezvaitwa nevatsigiri veZanu PF.

Mumwe mugari wemamutare zvekare, uye vachishanda nesangano rakazvimirira rePadare, VaMoses Semwayo, vanoti vatsigiri veZanu PF vaifanirwa kupa mukana VaWharton kuti tinzwe divi ravo pakati pehukama huripo pakati peAmerica neZimbabwe.

VaWharton vasangana nevemasngano akazvimirira oga uye vemabhizinesi maMutare musangano wavo wemasikati usati wavhiringidzwa.

NeChina, VaWharton vanotarisirwa kushanyira nzvimbo dziri kuwana batsiro kubva kunyika yavanomirira.

VaWharton nevamwe vavo vekumuzinda weAmerica vakashungurudzwa zvekare neChipiri kwaRusape apo vatsigiri veZanu PF vakavhiringa kushanya kwavo.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG