Kwaita mhirizhonga mumusha weMabvuku mu Harare neChina pakati pevatsigiri veZanu PF neve MDC-T pashanyira vaimbova mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, kunzvimbo iyi.
Vatsigiri ve Zanu PF vanga vachifamba nemotokari yebato ravo yakanyorwa kuti Zanu PF Harare Province vaisa matombo nematanda mumugwagwa unopinda mu Mabvuku uchibva mumugwagwa unoenda kwa Mutare vachivharira motokari dzaVa Tsvangirai kuti dzisapinde muMabvuku.
Asi motokari dzaVa Tsvangirai dzazonyenyeredza nemusango dzakachengetedzwa nevatsigiri vebato ravo. Motokari dzemapurisa dzanga dzichitonyenyeredzawo matombo nematanda aya.
Va Tsvangirai nehutungamiri hwebato ravo hwavanga vainahwo hwanga huchisanganisira mutevedzeri wasachigaro webato ravo, Va Morgan Komichi, vabva vaenda kunosvitsa chichemo kumapurisa asi mapurisa anonzi haana matanho aatora.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.
Motokari yanga iine vatori venhau vanga vachida kutora mifananidzo yevatsigiri ve Zanu PF vanga vachivhara nzira yatemwa nematombo asi hapana akuvara mumotokari iyi.
Kanzura we Ward 21 muMabvuku makare, Va Munyaradzi Kufahakutizwe, pamwe nevaimbova kanzura ku Glen Norah, Va Peter Marange, varohwa zvakawomarara vose vakakuvara musoro nemawoko.
Va Marange vaudza Studio7 kuti vatemwatemwa nematombo vakazvuzvurudzwa mutara pavanga vachida kupfuura panga pavharwa nzira nevatsigiri veZanu PF ava.
Vabva pamapurisa, Va Tsvangirai vaenda panzvimbo yemabhizimusi paKamunhu pavawona misika iri kugadzirirwa vanhu nekanzuru ye Harare kuti vatengesere pane hutsanana.
Mutevedzeri wameya weHarare, Va Thomas Muzuva, vaudza Va Tsvangirai kuti vakatarisana nebasa guru sekanzuru kuti vawone kuti vanhu ava vaitira basa ravo pakanaka.
Va Muzuva vachipedza kutaura mashoko aya, vabva vatanga kutenderera misika yose apo pauya motokari dzeZanu PF dziine vanhu vanga vakatakura matombo. Pavatanga kukanda matombo aya, vatsigiri ve MDC vabva vatanga kudzorerawo matombo aya zvakakonzera kuti dzimwe motokari dze Zanu PF dzipwanywe mahwindo muchiitiko ichi.
Va Tsvangirai vazosvikawo pazvitoro zvepa Old Tafara apo panga paunganidzwa vatsigiri ve Zanu PF vanga vachisvika zana vakapfeka mbatya dzebato ravo uye vamwe vanga vari munhumbi dzavo vachiti havasi kuda kuona Va Tsvangirai munzvimbo iyi.
Asi apa hapana kuzoita mhirizhonga sezvo nhengo dze MDCT dzanga dzawanda kudarika nhengo dze Zanu PF.
Va Tsvangirai vaudza vatsigiri vavo pa Old Tafara kuti havasi kuzofa vakatadza kupinda mu Mabvuku nemuTafara kana chero ipi zvayo nzvimbo iri munyika muno nepamusana peZanu PF.
Vazoudza vatori venhau vapedza hurongwa hwavo uhwu kuti zvinonyadzisa kuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanove zvakare sachigaro wesangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa re SADC, pamwe nesangano renyika dziri dzose dziri mu Africa re African Union, vari kurega mhirizhonga ichipfunya chisero muZimbabwe.
Va Tsvangirai vatambirwa nemufaro nevatsigiri vavo kwese kwavafamba nhasi kunyangwe hazvo vapotsa vatadza kupinda muMabvuku nenyaya yemhirizhonga.
Zvichakadai, Va Tsvangirai vanoti vafara zvikuru kuti kanzuru ye Harare iri kuedza nepainogona napo kugadzirisa nyaya yemvura kuMabvuku ne Tafara kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.
Va Tsvangirai vakatarisirwa kufamba nzvimbo dzakawanda munyika vachizviwonera vega pamhino sefodya mamiriro akaita zvinhu munyika.