Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoudza Kanzuru Kuti Igadzirse Zvinetswa muHopley


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri weMovement for Democratic Change, MDC, VaMorgan Tsvangirai, vaudza neChina kanzuru yeHarare kuti ivake migwagwa, pamwe nekupa mvura yakachena kuvanhu vanogara kunzvimbo dzakaita seHopely kuitira kuti vasabatwe nezvirwere sezviri kuitika pari zvino.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura nevagari vekuHopely mushure mekushanyira nzvimbo iyi, VaTsvangirai vati vagari venzvimbo iyi vakatarisana nematambudziko akawanda sezvo vasina mvura, zvimbuzi nedzimwe dzimba dzakavakwa zvakanaka.

Vati kanzuru yeHarare inofanira kugadzirisa matambudziko aya nechimbi chimbi kuitira kuti kuti vanhu vagare zvakanaka.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaTrouble Hasha, vati hapana chiri kuitwa nekanzuru mukuvawanira mvura yakachena nezvimwe. Vatiwo kanzuru haitakure kana marara munzvimbo iyi.

VaHasha vaenderera mberi vachiti zvirwere zvemanyoka zvakawanda chose munzvimbo iyi uye mashoko aya atsinhirwa nanamukoti vekiriniki iri munzvimbo iyi.

Meya veHarare, VaBernard Manyenyeni, avo vange vaina VaTsvangirai, vati kanzuru yavo yakazvipira kugadzirisa matambudziko akatarisana nevanhu vemumisha yakaita seHopely, asi vakati ine dambudziko rekushaya mari.

Vatiwo panodiwa hunyanzvi hwekuona kuti zvinhu zvogadziriswa sei sezvo vanhu vakangogadzwa munzvimbo iyi pasati pagadzirwa migwagwa nekuvaka mapaipi nemvura nesiweji.

Vatiwo dambudziko rave kuitika muHarare rekungovaka pese pese rave kukonzerwa nehurumende iri kupa vanhu nzvimbo dzekuvaka dzisina kugadzirwa sezvinodiwa pamutemo wekuvaka mumadhorobha weUrban Planning uye vati izvi zvinoomesera kanzuru.

Musha weHopely nemimwe yakaita seCaledonia yakatangwa muna 2005 apo hurumende yakaendesa vanhu vainge vaparadzirwa dzimba dzavo pasi peOperation Murambatsvina.

Vanhu vakanzi vasavake dzimba kwadzo sezvo vainzi vachagara panzvimbo idzi kwenguva diki hurumende ichatsvagira kwekuvaka asi kusvika pari zvino izvi hazvisati zvaitika.

XS
SM
MD
LG