Accessibility links

Breaking News

Fodya Inotanga Kutengeswa Nyika Ichitarisira Kuwana Mari Yakawanda


Tobacco auction in Harare
Tobacco auction in Harare

Misika yefodya yavhurwa neChitatu zvinhu zvisingafambe sezvanga zvakatarisirwa.

Varimi vazhinji varatidza kusafara nekutadza kushanda kwaita michina yechizvino zvino yekutenga nayo fodya izvo zvazoita kuti fodya itengwe pachishandiswa zvagara zvichiitwa makore ose.

Kunyange hazvo nzira yekutenga fodya itsva yakaedzwa kwenguva yakareba pachigadzirirwa kuvhurwa kwemisika, michina yacho yaramba kushanda zvakanaka.

Asi veTobaccco Marketing Board vati izvi zviri kugadziriswa uye neChina chaicho vanotarisira kuti michina iye inenge yave kushanda zvakanaka.

Izvi zvazokonzera kuti fodya itengwe pachishandiswa nzira yakashandiswa gore rapfuuura.Mutauriiri weTIMB, VaIsheunesu Moyo, vati dambudiko iri riri kugadziriswa.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vatiwo vanotarisira kuti dambudziko iri richagadziriswa uye izvi zvinoitika pese panoshandiswa michina.

Mutengo wefodya wepamusoro wange uripa madhora mana nesendi manhatu pakirogramu.

VaMade vati vanotarisira kuti mutengo wefodya uchakwira sezvo fodya iri kutengeswa pari zvino iri yepasi.

Fodya inotarisirwa kuunza munyika mari inodarika mamiriyoni mazana masere emadhora gore rino.

Zvichakadai, varimi vakawanda nhasi vabva pamisika yefodya vasina mufaro sezvo vange vasingagutsikane nemafambisirwo ange achiitwa zvinhu pamusika.

VaNorman Andrea avo vanorima vari kuMacheke vati tarisiro yavo ndeyekuti dai TIMB yaramba ichishandisa nzira yakare yekutenga nayo fodya.

VaRice Chibva vekuKaroi vaudza Studio 7 kuti tarisiro yavo ndeyekuti dai mutengo wefodya watangira pamadhora matanhatu pakirogramu rega rega.

Asi VaBernard Mudapakati vati vanofara chose nemutengo wefodya wange uripo nhasi.

Pataenda pamhepo veTIMB vange vasati vatiudza kuti fodya yatengwa nhasi yakawanda zvakadii kumisika mitatu yeBoka, TSF nePremier.

Sachigaro weTIMB, Amai Monica Chinamasa, vati varimi vefodya vari kuramba vachiwanda munyika uye izvi zvinofadza chose.

Varimi vakanyoresa kuTIMB gore rino vanodarika zviuru makumi masere nezviviri nemazana mashanu.

Mari yefodya inotarisirwa kurerutsa dambudziko remari munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG