Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voramba Vakatsika Madziro Vachiti Havasi Kudzokera kuZvikoro


Teachers Gweru 4

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro mushure mekunge hurumende yatadza kuwirirana nevarairidzi panyaya dzavo dzemihoro uye masangano anomirira varairidzi ave kukurudzira vabereki kuti vabvise vana vavo muzvikoro sezvo vachikwanisa kuwirwa nematambudziko nekuti hapana ari kuvachengeta.

Muzvikoro zvizhinji munyika hamuna varairidzi kana kuti mune varairidzi vashomanana sezvo vakawanda vavo vachiti havakwanisi kuenda kubasa nekuti mari dzavanotambira hadzichaita.

Musangano pakati pemasangano ese anomirira varairidzi munyika nePublic Service Commission nemakurukota ezvevashandi, VaPaul Mavhima negurukota rezvedzidzo yepasi, VaCain Mathema, hauna chawakabudisa nacho neMuvhuro nekudaro varairidzi vakatora danho rekuti vacharamba vari kudzimba dzavo dzamara zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Asi vari kukurudzirawo vabereki kuti vabvise vana vavo muzvikoro vachiti vanogona kuwirwa nematambudziko akawanda sezvo pasina ari kuvachengetdza myuzvikoro.

Munyori mukuru mune rimwe remasangano anomirira varairidzi, reProgressive Teachers Unions of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vaudza Studio7 kuti kubvisa vana muzvikoro kunogona kuita kuti hurumende igadzirise matambudziko avo nekukasika pamwe nekudzivirira kuti vana vasaite nhumbu nezvimwe.

Zvinonzi vamwe vakuru vezvimwe zvikoro mumatunhu ese munyika vange vari kuudza vabereki nhasi kuti vabvise vava vavo muzviko sezvo kusina varairidzi.

Munyori mukuru musangano rinomirira varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaRabson Chere, vaudza Studio 7 kuti nhasi chaiko pane vamwe vabereki vange vari kutovabvunza kuti voita sei nevana vari kuzvikoro.

VaChere vati vange vakamirira kunzwa kuti chii chabuda kudare remakurukota pamusoro penyaya yavo sezvo makurukota avakasangana nawo neMuvhuro akavavimbisa kuti nyaya iyi yaizozeiwa mudare nhasi.

Mukuru wemubatanidzwa wemasangano anomirira vabereki vemuzvikoro School Development Associations, VaBanny Manokore, vaudza Studio 7 kuti vane hurombo kuti zvinhu zvasvika pazvava pasina kuwirirana pakati pevarairidzi nehurumende.

Vati havagoni kutambira chikumbiro chemasangano anomirira varairidzi kuti vabvise vana muzvikoro vachiti vachiita izvi chete kana hurumende yataura nekuti ndiyo inosungirwa nemutemo kupa vana dzidzo munyika.

Vanotiwo shuviro yavo ndeyekuti varairidzi vehurumende vagare pasi vataurirane kuitira kuti vana vaenderere mberi nechikoro.

VaManokore vaudzawo Studio 7 kuti vaonawo pamadandemutande akasiyana siyana kuti pane vamwe vakuru vezvikoro vari kuudza vabereki kuti vabvise vana muzvikoro asi vakati izvi zviri kunze kwemutemo.

Asi VaMajongwe vati havazi kumanikidza vabereki kubvisa vana vavo muzvikoro asi kuti vari kuvayambira chete.

Pari zvino varairidzi vanotambira mari iri pakati pezviuru zvitatu nemazana mashanu nezviuru zvitanhu zvemadhora emuno uye vanoti mari iyi haichakwanisi kuti varambe vachienda kubasa kana kuchengeta mhuri dzavo.

Vanoti vanoda kutambiriswa mazana mashanu nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica pamwedzi vachiti ndiyo mari inokwanisa kuti vararame nemhuri dzavo.

Vachitaura mushure memusangano wedare remakurukota, VaMavhima vati hupfumi hwenyika huri kuita zvakanaka uyu vanoona paine mukana wekuti hurumende icharamba ichiwedzera mari dzinotambirwa nevashandi vayo.

Vatiwo nhaurirano pamusoro panyaya dzemihororo pasi paNational Joint Negotiting Forum dziri kutanga munguva pfupi inotevera, yavasina kutara.

Zvikoro zvakavhurwa svondo rapfuura mushure mekuvarwa kwemwedzi mitanhatu nekuda kwedenda reCovid-19.

Vana vanonyora bvunzo gore rino ndivo vakavhura uye kupera kwemwedzi uno kuchavhura vanonyora bvunzo gore rinouuya kozoti vamwe vese vachivhura muna Mbudzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG