Accessibility links

Breaking News

Zinasu Yopengera Kushandiswa kweMabhazi eZvikoro kuMabiko aVaMugabe


Mutauriri weZinasu, VaZivai Mhetu, vanoti sangano ravo rinoshora zvikuru kushandiswa kwemabhazi pamwe nekumanikidzwa kwakaitwa vana vemuzvikoro zvepamusoro kuenda kuMasvingo kunopemberera bhavhadheyi remutungamiri wenyika.

Sangano revadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro munyika reZimbabwe National Students' Union, Zinasu, rinoti rinoshora zvikuru kushandiswa kwemidziyo yezvikoro kwakaitwa pakupemberera bhavhadheyi remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuMasvingo svondo rapera.

Mutauriri weZinasu, VaZivai Mhetu, vanoti sangano ravo rinoshora zvikuru kushandiswa kwemabhazi pamwe nekumanikidzwa kwakaitwa vana vemuzvikoro zvepamusoro kuenda kuMasvingo kunopemberera bhavhadheyi remutungamiri wenyika.

VaMhetu vanoti chinonyanya kushatirisa ndechekuti nguva dzakawanda vanonyimwa mabhazi aya kana vachienda kunodzidza kure nechikoro uye vadzidzi vari kutambura muzvikoro nekushaya mari dzezvikoro pamwe nedzekutenga zvekudya.

VaMhetu vanoti vakakatyamadzwa zvikuru svondo rapera apo vadzidzi vepaLupane University vaidzingwa vachinzi vainge vasina kubhadhara mari dzose dzekudzida asi nguva imwecheteyo vamwe vadzidzi vachipinzwa mumabhazi kuti vaende kuMasvingo kumhemberero dzebhavhadheyi raVaMugabe.

VaMhetu vanoti nguva dzakawanda vadzidzi vanopedzesera vofamba nemichovha kuenda kunodzidza asi vakuru vezvikoro vachiramba nemabhazi.

VaMhetu, avo vari mugore rechipiri muzvidzidzo zvePublic Administration, vanoti vakuru vemuzvikoro vanofanirwa kuwanisa vadzidzi mabhazi ekufambisa mazuva ose apo vanenge vachienda kuzvikoro.

VaMhetu vanoti kutendera mabhazi kuenda kuMasvingo kubhavhadheyi kutambisa mari yevabereki iyo vanowana vashanda zvine museredzero uye kuratidza kuti vakuru vemuzvikoro zvepamusoro soro havayemure kutambudzika kuri kuita vadzidzi.

Asi mumwe wechidiki weZanu PF, Kingstone Zimbodza, vanotsigira zvikoro zvakaendesa mabhazi nevana kuMasvingo vachiti bhavhadheyi raVaMugabe izuva rinofanirwa kucherechedzwa munyika.

VaZimbodza vanoti zuva rakazvarwa VaMugabe rinofanirwa kuitwa zororo munyika sezvo VaMugabe vari mutungamiri anoremekedzwa.

Vanoziva zviri kuitika paChinhoyi Universty of Technology (CUT) vanoti vakanyorerwa tsamba kubva kumahofisi avo kuti vatumire mabhazi akazara nevadzidzi uye kuti vamwe vadzidzisi vaende kuMasvingo kumhemberero dzebhavhadheyi raVaMugabe.

Asi mutauriri weCUT, VaTapera Musekiwa, vati tivanyorere mibvunzo pane zvatiri kuda kuziva asi vanga vasati vapindura pataenda pamhepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG