Accessibility links

Breaking News

Kucherechedzwa kweRamadan Kosvika kuMagumo


.
.

Apo mwedzi wechitendero cheIslam wekutsanya nekubatsira zvakanyanya vanotambura weRamadan wave kupera, vamwe vechititendero ichi kana kuti maMuslim vanoti vange vari kushungurudzwa apo vange vachipa chikafu nembatya kune avo vanotambura mumwedzi weRamadan.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwedzi weRamadan ndipo apo maMuslim vanotsanya zvakanyaya nekubatsira vanoshaya pamwe nekunamata zvikuru senzira yekuzvichenura kuna Mwari.

Vamiriri vemamwe masangano emaMuslim munyika vanoti rwendo runo vakapa zvinhu zvinokosha mazana ezviuru zvemadhora zvinosanganisira chikafu nembatya kuvanhu vakawanda munzvimbo zhinji munyika.

VaIIiyasa Yasini vesangano reCharitable Foundation for Development iro rinowana rubatsiro kubva kunyika yeTurkey vanoti kupa nguva yeRamadan kunoitwa senzira yekubatsira vanotambura uye vanopawo vachiwana makomborero.

Sheik Anubi Twaibu vesangano reDirect Aid–Africa Muslims Agency, iro rinowana rutsigiro kubva kunyika yeKuwait, vanoti kunze kwekubatsira vanotambura muHarare, vakabatsirawo vanhu vakawanda.

Asi vaviri ava nevamwe vanoti kunyange hazvo vakakwanisa kubatsira vanhu vakawanda paive nekufungira kukuru kubva kune vemutemo pamwe nevasori avo vaida kuziva kuti izvi zvaiitirwei.

Sheik Twaibu vanoti panguva zhinji motokari dzaive nechikafu nembatya dzaitombomiswa sezvo mapurisa nevasori vaida kuziva kuti zvinhu izvi zvaibvepi uye sei zvaipihwa kune vamwe vanhu vechiMuslim pachena.

Vati vanoona sekuti nyaya yekuti vanowana rutsigiro kubva kunyika dzine hondo yechigandanga chemamwe masangamo echiIslam akaita seISIS iyo iri kunetsa kunyika dzakaita seIraq, Syria nedzimwe, ndiyo iri kuita kuti vafungidzirwe kuti vangadai vari kuronga kushanda nemasangano aya.

VaYasini vatiwo kufungira uku kunogara kuripo uye pane imwe nguva pane rimwe sangano ravasina kuda kudoma remaMuslim rakatovharwa bhuku rekubhanga sezvo vemutemo vainge vasina kugutsikana nemafambire aiita mari dzesangano iri.

Asi vaviri ava vati kunyange hazvo paine kufungira kuti pane kudyidzana kwemasangano emuZimbabwe nemasangano echigandanga, hapana zvakadai zviri kuitika sezvo masangano mazhinji ari munyika akanyoreswa zviri pamutemo nehuruemende.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati hapana chavanoziva panyaya yekushungurudzwa kwemaMuslims panguva yeRamadan uye vanokwanisa kutaura nezvazvo chete kana vachinge vaudzwa zvakaitika uye kuti zvakaitikira kupi.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvekudzivirirwa kwenyika isina kuda kudomwa nezita inoti mashoko ekuti sangano reISIS rave kutsvaga vanhu vanorishandira kunyika dzakavakidzana neZimbabwe dzakaita seSouth Africa inoita kuti hurumende igare yakaburitsa maziso.

Sachigaro veIslamic Supreme Council of Zimbabwe, iro rinowana rutsigiro kubva kunyika yeIran, Sheik Ishmael Duwa, vanotiwo Zimbabwe haina dambudziko rekuti pane vanhu vari kuenda kunoshanda nemagandanga eISIS.

Mumwe mukuru pamuzinda weIran muZimbabwe, VaMohsen Shojakhani, vanoti vanhu veZimbabwe vanhu vanoda runyararo uye havawoni vachidyidzana nemasangano echiIsam anoita zvechigandanga akaita sei ISIS kana Boko Haram.

Zimbabwe ine vanhu vechitendero cheIslam vanodarika mariyoni nechidimbu.

XS
SM
MD
LG