Chikonzi chehurumende, deputy sheriff, chasecha neChina mahofisi ekambani yenhau yeThe Source chichitsvaga magwaro ayo chinoti akanikwa zviri kunze kwemutemo nevatori venhau vekambani.
The Source yakaburitsa nyaya mbiri pamusoro pekambani yeEconet nebhanga reSteward masvondo mashona apfuura.
Chikonzi chehurumende change chasecha chichibatsirwa nemagweta eEconet neSteward Bank, pamwe nemapurisa.
Izvi zvaitika vatori venhau pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vakawanda vakatarisa.
Izvi zvaitwa mushure mekunge Econet yapihwa mvumo yekuita izvi nedare reHigh Court musi wa 16 Kurume.
Izvi zvaitikawo zuva rimwe chete mushure mekunge dare rambomira kupa mutongo pachikumbiro che The Source chekuti nyaya iyi inzwikwe mudare reConstitutional Court.
Masangano evatori evanhau anoti ari kushushikana kuti vemakambani vave kubatana nehurumende mukushungurudza vatori venhau munyika.
Munyori mukuru weZimbabwe Union of Journalists, Va Foster Dongozi, vanoti kuita kwakadai kunozvidza kodzero dzevatori venhau.
Sachigaro wesangano reMedia Institute of Southern Africa – Zimbabwe, VaKumbirai Mafumba, vati vanosuwiswa zvikuru nechiitiko chanhasi.
Gwete reThe Source, VaChris Mhike, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo Econet yange iine mvumo yekusecha mahofisi aya, vanoshushikana kuti kambani iyi nemapurisa vazopedzesera vave kuverenga dzimwe tsamba nezvimwe zvinhu zvange zvisinei neEconet kana Steward Bank.
Steward Bank yakaenda kudare ichikumbira kuti dare rimise The Source kuburitsa nyaya dzine chekuita nemashandisirwo emari dzebhanga kuvakwereti vakaita samuzvinabhizimisi VaPhilip Chiyangwa, avo vane kambani ye Pinnacle Property Holdings, ine chikwereti kubhanga iri.
The Source yakaburitsawo nyaya inoti hurumende yakakwereta mari inoita mamiriyoni makumi matatu emadhora kuEconet, iyo yakazopihwa hurumende kuburikidza nebhanga re Econet, re Steward.
Banga re Steward riri pasi pekambani ye Econet Wireless Zimbabwe, inova kambani yamuzvinabhizinesi ane mukurumbira pasi rose, VaStrive Taputaira Masiyiwa.
VaMhike vanoti Econet inoti nyaya iyi yakanyorwa pachishandiswa magwaro ainge abiwa.
The Source isangano renhau dzakarerekera kumari nemabhizinesi.
Zvichakadai, vatori venhau munyika varatidza kusafara nezvaitika uye vati vacharatidzira neChishanu pamuzinda wekambani iyi muHarare.