Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa: Hurumende Yakazvipira Kudzika Mitemo Inokwezva Mabhizinesi eKunze


Patrick Chinamasa
Patrick Chinamasa

Hurumende inoti Zimbabwe yakazvipira kutevedza mitemo inoremekedza vemabhizimisi vekunze pamwe nekuchengetedza mabhizimisi aya senzira yekukwezva vekunze kuti vazosima mari dzavo munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura mushure memusangano wavaita nemumwe mukuru anoshanda kubazi rinoona nezvekunzwe kwenyika yeGermany uye achiona nezvedunhu rekuchamhembe kweAfrica pamwe nedunhu reSahel, VaGeorg Schimdt, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa,vati zvave pachena kuti vekunze vanoda kutanga mabhizimisi munyika dzine mitemo yakajeka uye Zimbabwe yazvipira kutevedza mitemo iyi.

Pari zvino vemabhizimisi vekunze havasi kufara nemutemo unopa masimba ehupfumi kuvatema uyo unosungira makambani ekunze kupa zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zvemabhizimisi avo kuvatema vemuno.

VaChinamasa vati musangano wavo naVaSchimdt wange wakanangana nekugadziridza kudyidzana pakati Zimbabwe neGermany munyaya dzehupfumi nematongerwo enyika. Vatiwo pane chikwata chebazi ravo chichaenda kuGermany kunoenderera mberi nenhaurirano idzi.

Vatiwo vabata bata nyaya yechikwereti cheZimbabwe kuGermany icho vati chinodarika mazana manomwe emamiriyoni emadhora.

VaSchimdt avo vari kushanya munyika kwemazuva maviri vati zvakakosha kuti nyika ive nemitemo inoremekedza kodzero dzevanhu nevamazbhizimisi uye nyika yavo yakazvipira kutsigira Zimbabwe kuvandudza mitemo yavo sezvinodiwa nebumbiro idzva remutemo iro rinopa vanhu nevemabhizimisi kodzero dzavo.

Vatiwo vanofara nenhaurirano nezvirongwa zveStaff Monitored Program zviri kuitwa neZimbabwe neInternational Monetary Fund vakati kubudirira kwezvirongwa izvi kunowedzera mukana wekudyidzana kweZimbabwe nenyika dzakabudirira pasi rose.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, vati zvinofadza kuti hurumende yave kuda kuvandudza mitemo kuti iite zvinoda vemabhizimisi asi vakati izvi zvave kuitika nyika yave parumananzombe.

VaKuchera vati kuoma kwaita zvinhu munyika ndiko kwave kumanikidza hurumende kuti ibude pachena kuti yave kuda kusandura mimwe mitemo kuitira kuti ikwanise kukwezva vemabhizimisi vekunze pamwe nekuvandudza hupfumi.

Mune imwewo nyaya, kambanidzeEconet neNational Foods nhasi dzaparura chirongwa cheEcoshopper icho chichaita kuti avo vane EcoCash vakawanise kutengera hama neshamwari dzavo chikafu muzvitoro. Zvinhu zvinotengwa izvi zvinotangirapemadhora makumi maviri zvichikwira kusvika pazana nemakumi mashanu emadhora.

Mumwe mushandi weEcocash, Amai Natalie -Jabangwe Moris, vanotipasi pechirongwa ichi anontumira grocery ndiye anobhadhariswa kamari kadiki asi uya anoritambira hapana muripo waanobhadhara.

Vatiwo vakasarudza kushanda nekambani yeNational Foods sezvo kambani iyi ichigadzira zvinhu zvakawanda zvinoshandiswa nevanhu zuva rega rega uye ine zvitoro zvakawanda munzvimbo zhinji munyika.

XS
SM
MD
LG