Accessibility links

Breaking News

ZUJ Yoshora Kusabatwa Zvakanaka kweVanhukadzi Mumabasa eNhau


VaFoster Dongozi
VaFoster Dongozi
Kushungurudzwa pamwe nekushandiswa munyaya dzepabonde kwevanhukadzi vanoita basa rekutora nhau kuri kuenderera mberi munyika. Izvi zvaburitswa pachena mugwaro raparurwa neChipiri muHarare.

Gwaro iri raparurwa nesangano reZimbabwe Union of Journalists, ZUJ, pamwe nesangano reFederation of African Media Women of Zimbabwe.

Kunyange hazvo gwaro iri risingadome huwandu hwevanhukadzi vanoti vakashungurudzwa kana kumanikidzwa kuita zvepabode senzira yekuti vawane basa, kana kuchengetedza basa ravo, gwaro iri rinoti vatori venhau vechikadzi vari kutarisana nedambudziko rekushungurudzwa uku.

Gwaro iri rinotiwo pachine vanhu vashoma vanonzwisisa zvinoreva kushungurudzwa kwevanhukadzi mumabasa, kana kuti sexual harassment, izvo zvinoita kuti dambudziko iri rirambe richienderera mberi.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri, nhengo yebhodhi re Federation of African Media Women of Zimbabwe, Amai Virginia Muwaningwa, vati zvakakosha kuti dambudziko iri rigadziriswe.

Amai Muwaningwa vati vanhukadzi vari kutadziswa kusimukira mumabasa avo nemuhupenyu nezvinhu zvakadai.

Vatiwo zvakakosha kuti masangano evatori venhau ave nemitemo yakasimba inoita kuti vanenge vapara mhosva dzakadai vapihwe mutongo unovaomesera.

Munyori mukuru weZUJ, VaFoster Dongozi, vanoti sangano ravo richange richishanda zvakasimba pamwe ne Federation of Media Women of Zimbabwe mukagadzirisa kushungurudzwa uku.

Vachitaurawo vakamirira sangano reZimbabwe National Editor’s Forum, uye vari mupepeti weAlpha Media Holdings, VaBrian Mangwende, vati mabatirwo anoitwa vanhukadzi mumabasa ekutora nhau, anoshoresa zvikuru. Vatiwo sangano ravo rakazvipira kushanda nemasangano eZUJ pamwe neFederation of African Media Women of Zimbabwe mukugadzirisa dambudziko iri.

Chinangwa chegwaro iri ndechekusimudzira ruzivo mumakambani ezvenhau kuitira kuti nyaya dzekushungurudzwa nekuitiswa zvepabonde kwevanhukadzi mumabasa, kupere zvachose.

Nyaya Ina Sylvia Manika
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG