Accessibility links

Breaking News

Nhumwa yaVaTsvangirai Yopira Nyaya yeMhirizhonga kuVatungamiri veSADC


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vatumira nhumwa yavo kunotaura nevatungamiri vose venyika dzemuSADC nezvenyaya yemhirizhonga uye nyaya yemisariridzwa yezvibvumirano zveGlobal Political Agreement sezvo nyika yatarisana nesarudzo.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti gurukota muhofisi yaVaTsvangirai, VaJameson Timba, vakasimuka munyika neChitatu kunoita hurukuro nevatungamiri venyika dzemuSADC.

Izvi zvinotevera mhirizhonga inonzi iri kuitika mumativi mana enyika apo nyika iri kugadzirira referendamu nesarudzo zvichaitwa munguva dzakasiyana.

Nepamusana pemhirizhonga yawanda munyika, utungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaudza mapurisa kuti asunge vose vari kuita mhirizhong. Ukuwo dare remakurukota rakaudza makurukota ezvekuchengetedzwa kwemukati menyika pamwe navana sachigaro veJOMIC kuti vapote vachiudza dare remakurukota mamiriro anenge akaita zvinhu munyika svondo roga roga.

Asi MDC inoti izvi hazvibatsire kana pasina vari kusungwa.

Mukuru wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMcdonald Lewanika, vanoti MDC yaita zvakanaka kuenda kuSADC kunyange hayo yakanonoka kuita izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG