Accessibility links

Breaking News

Norton Yotarisana neNzara Inotyisa


Food Series -Norton
Food Series -Norton

Munhu akasvika pamusika weKatanga muNorton, anotambirwa negurumwandira revanhu vanenge vachitengesa hove, madomasi, muriwo nezvimwe zvose zvekudya zvinodiwa nevanhu mudzimba.

Asi havasi vese vagari vemuNorton vari kukwanisa kutenga chikafu sezvo vamwe vakaita saAmai Mary Garapasi, avo vanogara nemurume wavo anorwara pamwe nevana vatatu nevazukuru vaviri.

Amai Garapasi vanoti chikafu chiri kuvadhurira zvakanyanya zvekuti havana kana chavari kukwanisa kutenga kuti varamise mhuri yavo.

Amai Garapasi vanoti nekuda kwekushaya chikafu kwavari kuita, zvave kuvaomera kuti vachengete murume wavo zvakanaka sezvo akaremara mitezo.

Food Series -Norton
Food Series -Norton

Vamwe vari kushaya inherera dzakaita saPatience Mavhiri ane makore gumi nematatu ekuberekwa, uyo anogara nevanin’ina vake vatatu mumusha weNgoni muNorton.

Mwana uyu anoti iye nevamwe vake vanotorarama nekubatsirwa nechikafu nevamwe vagari munharaunda uye anotiwo nguva zhinji iye nevanin’ina vake vanoenda kuchikoro vasina chavaisa mudumbu.

Food Series -Norton
Food Series -Norton

Vamwe vakatarisana nedambudziko renzara ndiAmai Modester Chindamba avo vanogara nevana vavo vanomwe pamwe nevazukuru vashanu mumusha weKatanga.

Amai Chindamba vanoti vave kutoswerera kunhonga zvigubhu zvakambshandiswa kuti vatengese vawane chouviri.

Amai Chidhamba vanoti sezvo mari yavanowana mukutengesa zvigubhu izvi isina zvizhinji zvakakwana vave kutotengesawo mishonga yechivanhu uye vave kuswera vachitsvaga mashizha etsine kuti vabike vawane chekusevesa sadza sezvo vachiti havana mari yekutenga zvinonyautsamukanwa zvakaita senyama nemuriwo wemumapindu.

Nhengo inomirira Norton muparamende, VaTemba Mliswa, vanoti vari kuedza napose pavanogona napo kubatsira mhuri dzakawanda nechikafu vachishanda pamwe chete nemakanzura.

Hon Themba Mliswa
Hon Themba Mliswa

VaMliswa vanoti chimwe chechikafu chavari kupa vanhu vakachipihwa memutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vagovere vanhu vasina chikafu.

VaMliswa vanoti ruzhinji rwevanhu muNorton rwakatarisana nenzara yakakomba.

Asi Amai Garapasi vanoti havasati vakwanisa kuwana rubatsiro kubazi rinoona nezvemagariro evanhu.

VaMliswa vanoti chakakosha ndechekuti pasapinzwe zvematongerwo enyika mukati kana hurumende kana mamwe masangano anobatsira achinge abatsira nezvokudya sezvo vachiti nzara inobata munhu wese zvisinei kuti munhu anotsigira bato ripi.

Sangano reUnited Nations rinoti vanhu vakatarisana nenzara munyika vanosvika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana manomwe, uye nhumwa yesangano iri inoongorora nyaya dzekuwanikwa kwechikafu iyo yanga iri muZimbabwe mukupera kwa2019, yakayambira kuti dambudziko rekushayikwa kwezvekudya munyika rinogona kukonzera kusagadzikana munyika.

FILE - Men deliver U.N. World Food Program (WFP) aid in Aslam, Hajjah, Yemen, Sept. 21, 2018.
FILE - Men deliver U.N. World Food Program (WFP) aid in Aslam, Hajjah, Yemen, Sept. 21, 2018.

Dhorobha reNorton ndiro rakanzi neWFP rine vanhu vakawandisa vakatarisana nenzara mumadhorobvha ose sezvo vanhu makumi mashanu nemashanu kubva muzana vasina chekudya.

WFP inoti nekuda kwemamiriro akaita zvinhu munzvimbo dzakaita seNorton, yakabva yaparura kekutanga munhoroondo mayo hurongwa hwekubatsira vanhu vari mumadhorobha vari kunyanya kunetseka nechikafu uye mari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG