Accessibility links

Breaking News

Kodzero dzeVanhu Pasi Rose Dzozeyiwa kuGeneva.


Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rabatana nemamwe masangano ari kumusangano weUnited Nations Human Rights Council uri kuzeya nyaya dzekodzero dzevanhu pasi rose kuGeneva, Switzerland.

Musangano uyu wakatanga musi wa 4 Kurume uye uri kutarisirwa kupera musi wa 28 Kurume.

Munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki Moon, nemutungamiri weHuman Rights Commission, Amai Navi Pillay, ndivo vakavhura musangano uyu zviri pamutemo.

Amai Pillay, avo vakamboshanya kuZimbabwe muna 2012 kuzozeya nyaya dzekodzero dzevanhu, vanoti nyika dzose dzinofanira kuremekedza kodzero dzevanhu. Amai Pillay vanoti nyika dzakawanda dziri kutyorawo kodzero dzemadzimai uye vanoti vanasikana vakawanda vari kuroorwa vasati vasvika zera rekuwanikwa.

Sangano re United Nations Population Fund rinoti vanasikana vanosvika zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana vari kuroorwa vasati vasvika makore gumi nemasere sezvinodiwa nemutemo muZimbabwe.

Amai Pillay vanoti nyaya dzekutyora kodzero dzevanhu ndidzo dzinotanga kozouya hondo.

Nyaya dziri mudariro dzinosanganisira hondo dziri kuSyria, Democratic Republic of Congo, Central African Republic uye kusagadzikana kwezvinhu kuNorth Korea.

Dzimwe nyaya dziri mugango ndedzekodzero dzevashandi vekune dzimwe nyika vanenge vari muhupoteri, nyaya dzekutongera vanhu rufu uye kukurudzira kushanda kwemasangano akazvimirira oga munyika dzakasiyana siyana asi ngambunyikidzwe.

Zimbabwe inoti madzimai, vakwegura nevasati vabva zera havatongerwe rufu. Asi United Nations inoti hapana munhu anofanira kutongerwa rufu.

Vari kumusangano uyu vachimirira masangano akazvimirira oga munyika mukuru we Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Irene Petras, pamwe namaneja musangano iri, Muzvare Rose Hanzi.

Asi hatina kukwanisa kuvabata vaviri ava.

Asi gweta rinoshanda nesangano iri, VaJeremia Bamu, vanoti zvinhu munyaya dzezvekodzero dzevanhu hazvisati zvanyanyochinja muZimbabwe sezvo mapurisa ari kuramba achimbunyikidza vanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG