Accessibility links

Breaking News

VaMachisa Vanonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Human Rights Association, ZimRights, Va Okay Machisa, vanyimwa neChitatu mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekunyoresa vanhu sevavhoti zvisiri pamutemo.

Izvi zvinotevera chikumbiro chaVaMachisa chekuti vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomerwa.

Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, gweta raVaMachisa, Amai Beatrice Mtetwa, vati VaMachisa vanofanirwa kupihwa mukana wekutongwa vachibva kumba sezvo vari munhu akazvipira kumapurisa mushure mekunge vanzwa kuti mapurisa aida kutaura navo.

VaMachisa, avo vapa hufakazi mudare, vati vakaziva kuti vaitsvagwa nemapurisa vari mudare repamusoro musi wa 4 Ndira painzwikwa nyaya yaVa Leo Chamahwinya vanove mushandi we ZimRights avo vari kupomerwa mhosva yakafanana neyave kupomerwa ivo VaMachisa. VaMachisa vati vakazozivisa gweta ravo iro rakazonyorera mapurisa tsamba iwo mapurisa akapindura.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vaudza dare kuti Va Machisa havafaniri kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti musungwa anogona kutiza kana akapihwa mukana wekuita izvi sezvo vanga vari kunze kwenyika mazuva akasechwa mahofisi avo.

Asi Amai Mtetwa vati VaMachisa vakabuda munyika mahofisi aya asati asechwa vachienda ku Poland kwavainopinda musangano wezvekodzero dzevanhu we Warsaw Democracy Conference. Vati mushure memusangano uyu, VaMachisa vakadzoka munyika vakazvigarira zvavo kumba kwavo pasina kana mupurisa akambouya achivatsvaga uye vaizviendera kubasa samazuva ese.

VaReza vaenderera mberi nekupikisa chikumbiro chaVaMachisa ichi vachiti humbowo hwemagwaro ekunyoresa vanhu kuvhota pamwe nemuchina unodhinda mapepa ekunyoresa kuvhota zvakawanikwa kumahofisi eZimRights pakasechwa mahofisi aya zvinoreva kuti nyaya yehurumende yakasimba zvikuru.

Asi Amai Mtetwa vati hapana kana chinhu chimwe chete chakawanikwa kumahofisi aya pakasechwa mahofisi aya muna Zvita wegore rapera pamwe nepakasechwa mahofisi aya zvakare neMuvhuro mushure mekunge Va Machisa vazvipira kumapurisa.

Va Reza vati zvaiitwa naVaMachisa nevamwe vasungwa vana vari mujere vakasungwa maererano nenyaya iyi vaiita izvi nechinangwa chekuda kuzoshoresa sarudzo dzakatarisirwa kuitwa munyika kubudikidza nekunyoresa vanhu uye vamwe vanhu vavanonzi vakanyoresa zvisiri pamutemo vanhu vakazvarwa muna 1894.

VaReza vati izvi zvanga zvichiitirwa kuti sangano renyika dzepasi rose re United Nations rigobuda nechisungo chekuti hapana ndege inofanirwa kubhururuka mu Zimbabwe kana munhu ari kudiwa naVaMachisa nevamwe vavo vakasungwa asina kudomwa mudare akundwa musarudzo zvavati zvaizokonzera kusagadzikana munyika.

Asi Amai Mtetwa vati nyaya dzematongerwo enyika dziri kupinzwa pasiripo.

Nyaya iyi yambomira kunzwikwa kwechinguvana sezvo Amai Mtetwa vapopota kuti VaMachisa havafanirwe kunge vane ngetani dzavanga vakaiswa mumakumbo panga pachinzwikwa nyaya iyi vachiti havakwanisie kuti vaenderere mberi nekumirira musungwa kana ngetani idzi dzisina kubviswa. VaReza vati kuiswa ngetani kwanga kwakaitwa VaMachisa kunotevera kurohwa kwakaitwa umwe mejasitiriti ku Kadoma nemusungwa zvakaita kuti mejasitiriti uyu atyoke ruwoko.

Mumutongo wavo, mutongi wedare, Va Tendai Mahwe, vati Va Machisa havafaniri kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti vanogona kusamirira kutongwa kana vakaburitswa muhusungwa pakatariswa mhosva yavari kupomerwa. VaMahwe vati nyaya iyi ine chekuita nekuchengetedzeka kwenyika saka nokudaro kubuditsa Va Machisa muhusungwa kunogona kukonzera kusagadzikana nemvongamupopoto munyika.

VaMahwe vati VaMachisa vadzoke zvakare kudare musi wa 30 Ndira pachaenderera mberi nyaya iyi vachibva kuchitokisi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG