Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voudza Chokwadi Chavo Nhengo dzeParamende


VaDavid Parirenyatwa
VaDavid Parirenyatwa

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti makomiti eparamende ari kufamba
achinzwa pfungwa dzevanhu pamabhiri ari kuda kuumbwa ari kupedza mari nebguva sezvo vanhu vari mumakomiti aya vakawandisa uye ngubva zhinji vasingaise pfungwa dzinobva muvanhu pamitemo inozoumbwa.

Vachipa pfungwa dzavo pabhiri rinochengetedza pamwe nefambisirwo enyunyuto dzeveruzhinji, Independent Complaints Commission Bill, mumwe mugari wemuChinhoyi,Muzvare Abigal Sauti, vati havasi kufara nekupa pfungwa dzavo sezvo makomiti aya asingaise pfungwa dzevanhu kuti mukuumbwqa kwemitemo.

Makomiti matatu anoti komiti yezverunyararo nekuchengetedzwa kwenyika, komiti yezvekudzivirirwa kwenyika pamwe nekomiti inoona nezvemitemo ndiwo ari kunzwa pfungwa dzevanhu.

Asi Muzvare Sauti vati basa iri ringadai raitwa nekomiti imwechete, kana kuti vanhu vashomakwete kupedza mari zviri kuitwa makomiti aya vachiti mari iyi ingadai ichishandiswa kutenga mishonga muzvipatara izvo vanoti hazvina mishonga yakakwana.

Asi sachigaro wekomiti yerunyararo uye vari sachigaro pamusangano wanhasi, VaDavid Parirenyatwa, vati mutemo unosungira kuti nhengo dzose dzemakomiti idzi dzipinde mumisanganokuitirakuti kana vozozeya nyaya dzinenge dzabva muvanhu muparamende, vange vachiziva zvakataura vanhu.

Vanhu vakawanda vataura pamusangano uyu, kusanganisira Amai Jesika Tongoona,vati havasi kufara nebhiri iri vachiti riri kupa mutungamiri wenyika masimba akawandisa kuti iyite zvaanoda, uye achifanirwa kuisa sachigaro waanoda.

Asi mumwe mugari, VaTommy Mwanza, vashatirisa vanhu vakawanda vachiti mutungamiri wenyika anofanirwa kupihwa masimba akawanda mubhiri iri.

Mumwe mugari akaremara, Muzvare Norleen Bangara, vati panofanirwa kusimbiswa nyaya yemitauro kusanganisira mutauro yemaoko kuitira kuti
vasinganzwe nekutaura vakwanise kupa zvichemo zvavo vakasununguka.

Panga paine nhengo dzeparamende makumi maviri nenhanhatu dzapinda mumusangano wanhasi uyo wapindwawo nevagari vanodarika zana nemakumi mashanu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG