Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMari yeReferendamu Yoramba Ichitemesa Vakawanda Musoro


VaTendai Biti
VaTendai Biti
Nyaya yekuti mari yereferendamu iri kuitwa musi wa 16 Kurume yawanikwa here kana kuti kwete iri kuramba ichitemesa vakawanda musoro, sezvo makurukota ari kutsvaga mari iyi ari kupesana.

Hurumende yakati gurukota rezvemari, VaTenda Biti, negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vaite chirwirangwe chekutsvaga mari iyi.

Asi varume ava vave kunetsana VaChinamasa vachiti mari yawanikwa, ukuwo VaBiti vachiti havana mari. Kuwedzera matambudziko eZimbabwe, United Nations yakatotumira tsamba kuhurumende ichiizivisa kuti hakwanisa kuipa mari yereferendamu nekuti yakanonoka kuisa chikumbiro chayo.

Hurumende iri kuyedzawo kuenda kumakambani akaita seEconet, NetOne nemamwe anochera zviwanikwa asi vakuru vemamwe makambani aya vanoti naivowo vari kunetseka kuwana mari nekudaro havangatakure mutoro wehurumende.

Mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Joyce Kazembe, vaudza Studio 7 kuti vanoda mari inosvika makumi mapfumbamwe nemashanu emamiriyoni emadhora.

Vati vakamirira kuti vanzwe kubva kubazi rezvemitemo rinova ravanoshanda vari pasi paro kuti pave nemari yawanikwa here.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika uye vakafanobata matomu mubazi rezvemitemo, VaEmerson Mnangagwa, kuti tinzwe kuti mari yakataurwa naVaChinamasa kuti yavapo, iripapi chaizvo.

Kunyange paine kufungidzira kuri muvanhu kwekuti mari iri kunzi yakawanikwa naVaChinamasa iri kubva kumangoda, gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, varamba mashoko aya vachiti mari dzose dzinofanira kuenda kuhomwe yaVaBiti semutemo wehurumende.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reElections Resource Centre, VaJack Zaba, vanoti hurumende iri kuyedzana masimba nepo nguva ichipera sezvo mazuva ekuita referendamu ari kuswedera.

Hurukuro naVaJack Zaba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG