Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa naVaBiti Vopesana paNyaya yeMari yeReferendamu


Gurukota rinoona nezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti hurumende ine mari inokwana kuti paitwe referendamu musi wa 16 Kurume kunyange hazvo gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vachiti mari iyi haipo.

Vachitaura parunhare vari ku Geneva ku Switzerland kwavati vari kuita basa rehurumende, VaChinamasa varamba mashoko ekuti hurumende haina mari yekuita referendamu vachiti mari yavanayo inokwana.

VaChinamasa vati chasara chete ndechekuti mari iyi ipihwe sangano rinoona nezvekufambiswa kwesarudzo re Zimbabwe Electoral Commission kuitira kuti richitanga kuita basa rekugadzirira referendamu iyo inonzi ichaitwa musi wa 16 Kurume.

Asi gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti hurumende haina kana kobiri zvaro rekuita referendamu iyi. VaBiti vanoti mari yavaitarisira kuti ichabva kuUnited Nations Development Program iri kunonoka kuuya zvekuti ichashandiswa chete pasarudzo kana yazouya.

VaChinamasa varamba kutaura kuti mari ine bazi ravo yakanangana nereferendamu imarii uye kuti mari iyi vakaiwana kupi.

VaChinamasa naVaBiti vakatumwa nevakuru vavo muhurumende kuti vatsvage mari yesarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri we Zimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vanoti VaChinamasa vanofanira kutsanangurira veruzhinji kuti mari iyi vakaiwana kupi.


ZEC inoti inoda mari inoita mamiriyoni makumi masere nemashanu emadhora ekuti ikwanise kutungamira basa rekuitwa kwereferendamu.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG