Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Vovandudza Mutemo Kuitira Kuti RBZ Ikwerete Mari


Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vaudza paramende neChipiri kuti chikwereti chehurumende kunyika nemabhanga ekunze chichakwira kusvika pamabhiriyoni manomwe emadhora kana hurumende ikatora chikwereti chebhanga guru renyika sezvairi kuronga pasi pebhiri remutemo weReserver Bank Debt Assumption Bill.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura mudare reNational Assembly apo bhiri iri raverengwa kwechipiri, VaChinamasa vati chikwereti chekunze cheRBZ chave pamamiriyoni mazana matanhatu emadhora uye kana bhiri iri rikapasa zvinoreva kuti chikwereti chenyika chekunze chichakwira kubva pamabhiriyoni matanhatu nechidimbu kusvika pamabhiriyoni manomwe emadhora.

Vatiwo kutorwa kwechikwereti cheRBZ nehurumende kuchakwidza chikwereti chehurumende chemukati menyika kusvika kubhiriyoni nechidimbu chemadhora kubva pamamiriyoni mazana mana nechidimbu.

Asi VaChinamasa vati hurumende isati yatora chikwereti cheRBZ ichatanga yaongorora kuti chikwereti chakamira sei uye vati bazi rezvemari rave kutoita izvi.

Bhanga reRBZ rakaita chikwereti che$1.35 billion apo raita mabasa asineyi naro, asi araitumwa nehurumende, kana kuti quasi fiscal, uye chikwereti ichi chave kutadzisa kuti bhanga iri rite basa raro remazvo.

Mamwe mabasa aiitwa nebhanga iri pasi pechirongwa ichi kutenga zvekurimisa, matarakita, motokari nezvimwe richizvipa kuvanhu pachena.

Pasi pemutemo uri kuzeyiwa muparamende hurumende iri kuda kutura mutoro kubva kuRBZ nekutora chikwereti ichi.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaNyasha Muchichwa, vanoti zvinoshanisa kuti hurumende iri kuda kutora chikwereti ichi asi iyo ichitadza kubhadhara zvikwereti zvaiinazvo nechakare.

VaMuchichwa vati vese vakatora zvinhu kuRBZ vanofanira kubhadharwa kwete kuremedza hurumende nezvikwereti asi vakatora zvinhu varipo.

Zvichakadai, pame chikwata chevemabhizimisi vekuFrance vapinda munyika nechinangwa chekuzoongorora mikana yekutanga mabhizimisi muno.

Vari kutungamiri chikwata ichi, VaGerard Wolf, vati Zimbabwe ine mukana wekuita bhizimisi wakanaka chose uye makambani ekuFrance anoda kutora mukana uyu kutanga mabhizimisi muno.

Chikwata ichi chichange chiri munyika kwemazuva matatu.

VaMuchichwa vati vanobvumirana nemukuru wechikwata ichi kuti Zimbabwe ine mukana wakanaka wekuita mabhizimisi asi vakati chakashata chete mitemo yenyika yakaita semutemo wekupa masimba munyaya dzehupfumi kuvatema vemuno inovhiringidza vemabhizimisi vekunze.

XS
SM
MD
LG