Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Munashe Furusa Voradzikwa neChishanu kuMberengwa


Professor Munashe Furusa

Shamwari yepedyo yakashanda naVa Furusa kwemakore akawanda paUniversity of Zimbabwe pamwe nekuAmerica, Professor Praise Zenenga, vanoti Africa, kwete Zimbabwe chete, yarasikirwa nemunhu aive nechido chekusimudzira vanhu vemuAfrica munyaya dzedzidzo pamwe nemagariro avo.

Mukuru wepa Africa University, kana kuti Vice Chancellor, Professor Munashe Furusa, avo vakashaya nemusi weChitatu mangwanani, vari kutarisirwa kuvigwa kumusha kwavo kuMberengwa munzvimbo yekwaFurusa nemusi weChishanu.

Professor Furusa vakashaya neChitatu mangwanani vasina kumboratidza kurwara zvakaonekwa nemhuri yavo.

Muzvinafundo ava vakadomwa semukuru we Africa University muna 2014, mushure mekushanda kwemakore akawanda vari kuAmerica.

VaFurusa wakawana zvidzidzo zvepamusoro soro zve PhD in African Literature and Critical Theory kubva kuchikoro che University of Zimbabwe.

Vakadzidzisa paUniversity of Zimbabwe kwemakore akawanda, vasati vaenda ku America kuCalifornia State University - Dominguez Hills, uko vakanga vari mukuru webazi reCalifornia African American Political and Economic Institute pachikoro ichi, uye vari sachigaro weAfricana Studies.

Muna Chikunguru 2014, Professor Furusa vakaitwa mukuru weAfrica University, vakava muzvinafundo weChina kutora basa iri, mushure maProfessor Fanuel Tagwira, avo vakatorawo basa iri mushure maProfessor Rukudzo Joseph Murape avo vakava muzvinafundo wechipiri kuva nechigaro ichi.

Muzvinafundo wekutanga kuva mukuru weAfrica University ndimuchakabvu Professor John Wesley Kurewa.

Shamwari yepedyo yakashanda naVa Furusa kwemakore akawanda paUniversity of Zimbabwe pamwe nekuAmerica, Professor Praise Zenenga, vanoti Africa, kwete Zimbabwe chete, yarasikirwa nemunhu aive nechido chekusimudzira vanhu vemuAfrica munyaya dzedzidzo pamwe nemagariro avo.

Professor Zenenga, avo vanove mukuru weAfricana Studies paUniversity of Arizona muAmerica, vanoti varwadzikana zvikuru nekushaya kwasahwira wavo.

VaZenenga vanoti mufi anga ari munhu aizvininipisa, uye kuremekedza munhu wese zvisineyo nekuti uri munhu akaita seyi.

VaZenenga vanoti vechidiki vanogona kudzidza zvakawanda kubva kuna Professor Furusa avo vaive munhu aive nechido chekusimudzira munhu wese munyaya dzedzidzo pamwe nemagariro evanhu vose zvinove zvimwe zvezvinangwa zvavaive nazvo zvekuona Africa ine vanhu vayo vanoisimudzira.

Professor Furusa vasiya mudzimai wavo, Doctor Zanele Furusa, vana vana nevazukuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG