Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Vamwe Kufunga Nzira Dzinoburitsa Nyika Mumatambudziko Airi.

 ZANU PF CONF NOV3
ZANU PF CONF NOV3

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira hutungamiri hwebato ravo kuti hubatane hugoita zvinhu zvinobatsira veruzhinji avo vari kudya nhoko dzezvironda.

VaMnangagwa vataura izvi pamusangano weCentral Committee yebato ravo waitirwa muHarare pamberi pemusangano wepagore uchaitirwa kuGoromonzi kubva mangwana.

Vachivhura musangano wekomiti yepamusoro-soro mubato ravo yeCentral Committee waitirwa pamuzinda webato iri, VaMnangagwa vakurudzira kubatana mubato ravo vachiti hutungamiri hwebato ravo hunofanira kutsvaga nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa veruzhinji, kwete kuswerotaura zvinofadza nguva iyoyo pasina zvavari kuita zvinogadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Mashoko aVaMnangagwa aya anouya apo pane runyerekupe rwekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato ravo sezvo zvichinzi pane kusawirirana pakati pavo nemumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, nenyaya dzemasimba.

VaMnangagwa vakaudza vaiva vanamujibha nana chimbwido munguva yehondo kuti VaChiwenga vakatombovaudza kuti vakanyanyopfava mumaitiro avo ezvinhu.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZanu PF vanoti pane vamwe mumusangano mavo vave kuda kuti VaMnangagwa vatsiviwe naVaChiwenga pamberi pesarudzo dzemuna 2023 kunyange hazvo mapurovhinzi akawanda eZanu PF akatobuda nechisungo chekuti VaMnangagwa ndivo vachakwikwidza pasarudzo yemutungamiri wenyika vakamirira Zanu PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaTafadzwa Muranganwa, vaudza Studio7 kuti mashoko aVaMnangagwa anoratidza kuti nyaya yezvipoka-zvipoka haisati yapera mubato iri kunyange hazvo vaiva kuchikwata cheG40 vasisiri panyanga.

Imwewo nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvare Pauline Chateuka, vatiwo kusawirirana kuri muZanu PF kuri kukonzera kuti veruzhinji varambe vachinhonga svosve nemuromo.

Asi VaChiwenga vakati havasi kuda kuve mutungamiri wenyika.

Zvichakadaro, komiti yepamusoro muZanu PF yePolitburo yakakurudzira kuti vaimbove varwi pamwe nevaiva ana mujibha nana chimbwido muhondo yerusununguko vaumbe bandiko remusangano wavo kana kuti party organ izvo zvange zvisipo.

VaMnangagwa vati izvi zvinoreva kuti bumbiro remitemo yebato ravo rave kufanira kutovandudzwa kana izvi zvikatambirwa nebato ravo.

VaMnangagwa vakurudzirawo kuti nhengo dzebato ravo dzisiyane nehuori dzoita zvinhu zvinoita kuti hupfumi hwenyika husimukire. Vati vachataura zvakawanda kuGoromonzi mangwana uko kwavakatarisirwa kuvhura zviri pamutemo musangano wepagore webato ravo wechigumi nesere.

Musangano wegore rino uri kutarisira kupindwa nevanhu vanodarika zviuru zvishanu uye uchaitwa pasi pedingindira rinoti “Modernise, mechanise, grow the economy towards Vision 2030”.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


This item is part of

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG