Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanodoma VaChiwenga naVaMohadi seVatevedzeri Vavo muZanu PF.


Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba
Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakadoma neMugovera vatevedzeri vavo vaviri vanoti vaimbove mukuru wemauto, VaConstantino Chiwenga, pamwe negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaKembo Mohadi.

Mutauriri waVaMnangagwa muhurumende, Va George Charamba, vakabuditsa gwaro neMugovera iro vakatumira kuvatori venhau richitsanangura nezvekudomwa kwevaviri ava.

VaCharamba vakati VaChiwenga naVaMohadi vakadomwa pachitevedzerwa zviri mubumbiro remitemo yeZanu PF zvichitevera kupera kwekongiresi yeZanu PF yechimbi chimbi.

VaCharamba vakati vakakumbirwa kuti vaburitse mashoko aya sezvo vari mutauriri waVaMnangagwa muhurumende.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe kuti seyi vasina kuburitsa ivo mashoko ezvinhu zvaitika mubato ravo.

Kudomwa kwevaviri ava kwava kureva kuti ndivo vachange vari vatevedzeri vemunyori wekutanga muZanu PF, anova VaMnangagwa.

Kudomwa uku kunorevawo kuti nzira yakurwa muhurumende yekuti vaviri ava vaitwe vatevedzeri vaVaMnangagwa muhurumende.

VaChiwenga ndivo vakatungamira mauto mukubvisa pachigaro vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pasi pechirongwa cheOperation Restore Order icho chakatanga musi wa 13 Mbudzi.

Hurukuro naVaGeorge Charamba
please wait

No media source currently available

0:00 0:12:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG