Accessibility links

Breaking News

Chechi yeRoma Inodoma Pope Mutsva


pope francis
pope francis
Chechi yeRoman Catholic neChitatu yakasarudzo Pope mutsva Cardinal Jorge Bergoglio vanova Archbishop vekuBuenos Aires kuArgentina. Pope vatsva ava vane makore makumi masere nematanhatu ekuberekwa.

Pope vatsva vakati vanoda kushandisa zita rekuti Pope Francis. Vanhu vange vakaungana kumuzinda weRoman Catholic kuVatican City kuItaly vaona hutsi huchena huchipfumbuka zvinoreva kuti vakuru vakuru vechechi vange vawirirana pakuti ndiyani Pope mutsva.

Vakuru vechechi vanosvika zana negumi neshanu vange vakaungana kubva neChipiri kuti vasarudze munhu anotsiva Pope Benedict avo vakaenda pamudyandigere mwedzi wapera.
XS
SM
MD
LG