Mari yekuSouth Africa iri kuramba ichishaya simba zvichienzaniswa nedhora remuAmerica izvo zvoomera vemabhizimisi munyika avo vanotengeserana zvikuru neSouth Africa.
Zvinhu zviri kutengwa neZimbabwe kuSouth Africa zvaderera mitengo asi zviri kutengeswa neZimbabwe zvichidhura zvakanyanya.
Izvi zvinorevawo kuti chikwereti cheZimbabwe kunze chinenge chokwira sezvo nyika inenge yotenga zvinhu kudarika zvainogadzira ichitengesawo.
Dhora rekuAmerica riri kutengwa nemarhanzi gumi nemana nemasendi matatu.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvinhu zvicharamba zvakaomera Zimbabwe zvikuru kwemakore akawanda sezvo hupfumi husina kugadzikana zvekuti nyika ikwanise kudzora dhora remuZimbabwe.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti chikwereti cheZimbabwe chichatokura sezvo isina zvakawanda zvainenge yotengesa kunze.
Muzvinabhizimisi uye vaimbotungamirawo sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanotiwo mombe yekukumbira ikama wakaringa nzira zvinova zvapa kuti Zimbabwe iwomerwe nezvinhu sezvo isingakwanise kuva nechekuita nekuti rhand riri kutengeswa sei pamusika wemari.