VaTendai Biti votarisirwa kusarudzwa kuti vatungamire MDC Renewal Team iyo inenge yonzi People’s Democratic Party pakongiresi iri kuitwa muharare.
VaTsvangirai voparura gwara rezvavanoda kuti zviitwe sarudzo dzisati dzaitwa.
Nhasi tichaitawo hurukuro pamusoro pemapato ezvematongerwo enyika neremangwana rawo.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe Inoda zvakawanda kwete chirongwa chestaff Monitored Programme kubva kuIMF.
Muchirongwa cheLivetalk- Womens Round Table na 8:30 pm tiri kutarisa dambudziko remagetsi nemvura.
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 kilohertzs pa Shortwave kana pafacebook page yedu yeVoa Shona.