Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF neMDC Votaura nezveGwaro Raamai Mujuru


Joice Mujuru
Joice Mujuru

NeMuvhuro vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Joyce Mujuru vakaparura gwaro kana kuti manifesto ine zvinhu zvavanoti vanovimbisa kuita kana vakasarudzwa kutungamira nyika.

Asi amai mujuru havana kutaura kuti vave kuumba bato rezvematongerwo enyika here. Gwaro iri rinonzi Blue Print to Unlock Investment and Leverage for Development kana kuti BUILD.

Asi izvi zvinoreva here kuti amai Mujuru vave kubva vatoumba bato ravo rezvematongerwo enyika takatarisa sarudzo dzemuna 2018? Mutauriri wesangano raamai Mujuru VaRugare Gumbo vanoti vanhu havafanire kukurumidza kumedza kutsenga vachada panyaya iyi.

Muhurukuro yavakaita neStudio 7 mushure mekudzingwa pachigaro chekuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Mujuru vakambopika kuti havaifa vakabuda muZanu-PF uye vanoremekedza VaMugabe. Asi zvinhu zvinenge zvakazochinja mushure mekunge vadzingwa mubato iri.

Vamwe vakaita saVaTemba Mliswa avo vaiva sachigaro weZanu-PF kuMashonaland West vakatomboshora amai Mujuru vachiti vari kudya manonoko panyaya yekuumba bato.

Ko vamwe vemapato ezvematongerwo enyika vanoti kudii negwaro reBUILD iri? VaMunyaradzi Paul Mangwana nhengo yePolitiburo yeZanu-PF vanoti hapana zviripo uye kupedzera hoko padehwe retsindi.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai VaObert Gutu vanoti gwara iri harina kusiyana nezvavagara vachitaura.

Asi vaVaJacob Mafume mutauriri weMDC Renewal Team vanoti iri igwaro rakanaka chose kunyagwe vaine zvimwe zvavasingawirirane nazvo.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vachiti vanotsigira amai mujuru, VaSetfree Mafukidze vanoti gwaro reBUILD rakanaka chose.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika muzvare Gladys Hlatshwayo vanoti gwaro iri rakanaka haro asi vanhu vanozotenda maruva vadya chakata.

Sarudzo dzinotevera munyika dziriko muna 2018, asi vanopikisa munyika vatotanga kurodzerana makano.

Ko ndiyani achatungamira Zimbabwe kubva mun 2018? Aiwa vanasorojena vaye varere havo muhapwa dzemakomo ndipo paya pavanoti tichaona kunowira tsvimbo nedohwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

.

XS
SM
MD
LG