Accessibility links

Breaking News

Sangano reZINASU Rinoti Mapurisa Ari Kutyora Kodzero dzeVadzidzi


Zinasu
Zinasu

Sangano rinotungamira vadzidzi muzvikoro zvepamusoro reZimbabwe National Students Union kana kuti Zinasu riri kupomera mapurisa mhosva yekutyora kodzero dzavo nekuvarambidza kuita misangano.

Munyori anoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanasikana nevanakomana musangano reZinasu muzvarwe Joana Mamombe vanoti mapurisa ari kutyora kodzero dzavo achishandisa mutemo wePublic Order and Security Act unonzi nevakawanda unotyora kodzero dzevanhu.

Mapurisa ekuChinhoyi mukupera kwesvondo akatomboyedza kudzivisa musangano waida kuitwa neZinasu pachikoro cheChinhoyi University. Mapurisa akati musangano uyu usaitwe nekuti ainge asina vanodzivirira mhirizhonga vakakwana.

Asi vadzidzi vanonzi vakaenderera mberi vachiita musangano wavo panze peUniverisity. Mapurisa paakanzwa nezvemusangano uyu anonzi akauya nemarori maviri akazara mapurisa anodzivirira mhirizhonga asi vadzidzi vakatsika madziro vakaenderera mberi nemusangano wavo.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba kuti tinzwe divi remapurisa sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Muzvare Mamombe vanoti neMuvhuro mapurisa akatumira shoko rekuti vanodiwa kukamba vakati vachaita izvi neChipiri.

Hurukuro naMuzvare Joana Mamombe
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG