WASHINGTON —
Mamwe madzimai anoita mabasa ehupfambi anoti vakapinda mubasa iri senzira yekuyedza kuchengeta mhuri dzavo. Asi mubasa iri mune dzimwe nguva madzimai aya anoguma atapurirwa zvirwere zvakaita seHIV/AIDS.
Sangano reCenter for Sexual Health and HIV/AIDS Research rinoti zvikamu makumi maviri kubva muzana zvamadzimai aya zvine hutachiwana hweHIV/AIDS.
Sangano ir riri kukurudzira hurumende kuti itsvage nzira dzekubatsira madzimai aya
Mumwe anoita mabasa ehupfambi muzvare Sharon Mazvihwa vanoti vave kuda kudzokera kuchikoro kuti vararame hupenyu huri nani.