Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mpoko neChishanu vakaita hurukuro nemumiriri weBritian muZimbabwe amai Catriona Laing kuyedza kugadzirisa hukama hwenyika mbiri idzi dzange dzave makara asionane.
VaMphoko vaudza Studio 7 kuti amai Laing vauya kuhofisi kwavo kuratidza kuremekedzawo hurumende yezimbabwe. Vati hukama hweZimbabwe neBritain hauna kunyanyoipa sezvo paine nhaurirano dzakadai.
Amai Laing vaudza VaMphoko kuti vari kuda kuumba hukama hwakasimba neZimbabwe. Amai Laing vakatanga kushanda muZimbabwe muna Gumiguru gore rapera uye vakaudza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vaida kuti Britain neZimbabwe dzidyidzana zvikuru munyaya dzemabhizimisi.
Britain yakawedzerawo zvakapetwa katatu huwandu hwevadzidzi vanoenda kunyika iyi kubva kuzimbabwe pasi pechirongwa cheChevening.
Britain iri kubatsirawo Zimbabwe nemari inodarika mamiriyoni zana negumi nemanomwe kuzvirongwa zvebudiriro pasi pesangano reDepartment of International Development.
Asi masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti kutyora kodzero dzevanhu ndiko kuri kupa kuti hukama hweZimbabwe nenyika dzekunze huiite zinyeke nyeke.
Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana kwedzimwe nyika uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia VaClifford Mashiri vanoti pachine mutambo kuti hukama hweZimbabwe neBritain hunyatsosimbaradzwa.