Accessibility links

Breaking News

China Yotumira Gurukota Rayo Kunoshanya muZimbabwe


Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa muChina, General Chang Wanquan, vakapinda munyika neChitatu murwendo rwunonzi nevanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika nezvechiuto hwakanangana nekusimbaradza mauto eZimbababwe panguva iyo munyika zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati rwendo urwu rwakakosha zvikuru uye Zimbabwe inotenda China zvakanyanya nekuibatsira kwainoita.

Hurumende inoti General Chang vari kuda kuona kuti zvibvumirano zvakanyoreranwa pasi gore rapera pakati peZimbabwe neChina zvazadzikiswa.

Asi vakawanda munyika vanoti havana chavari kuona pazvibvumirano izvi sezvo zvinhu zviri kuramba zvichienda kumawere munyaya dzezvehupfumi.

Kunze kwekutengesera Zimbabwe zvombo zvehondo, China yakavakirawo Zimbabwe muzinda wemauto uye kambani yekunyika iyi yemauto yeAnjin iri pamakambani ange achichera mangoda kuChiyadzwa.

Mauto emuZimbabwe ave kunyanya kuzemberana neChina kubva zvakatamerwa nyika zvirango nehurumende dzekumawirira ichipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, avo vanoshanda nesangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe vanoti Zimbabwe haifanire kungoringa kumabuda zuva chete panyaya yekudyidzana asi kuti itarisi kumativi mana ose enyika.

Hurukuro naVaTakura Zhangazha
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG