Accessibility links

Breaking News

Mutongi weDare raMejastiriti kuGweru Odzingwa Basa neNyaya dzeHuori


Boka reJudicial Services Commission neMuvhuro rakadzinga mumwe mutongi wedare remuGweru muzvare Gertrude Mayonyese vachipomerwa mhosva yehuori.

Muzvare Mayonyese vakapiwa magwaro ekuvazivisa nezvekudzingwa kwavo basa mushure mekunge vawanikwa vaine mhosva yekutadza kuita basa nemazvo.

Vainge vakamiswa basa kubva muna Gumiguru wegore rapera. Vachitaura neStudio 7 parunhare mukuru mukuru wevatongi vematare VaMishrod Guvamombe vakatenda kuti muzvare Mayonyese vainge vadzingwa basa asi vakati havana zvakawanda zvavainge vachikwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi sezvo vachiti vainge vasiri muhofisi.

Kudzingwa basa kwamuzvare Mayonyese kunouya mushure mekunge gore rapera vakapa mutongo wekubvisisa faindi yemazana mana emadhora kune mumwe murume aive awanikwa aine mhosva yekuba mombe.

Zvinonzi murume uyu, Felix Tafirei Mujuru, ainge apa muzvare Mayonyese mari yechiokomuhomwe yekuti apiwe mutongo wakareruka uyu pane kuti aende kujere sezvinofanirwa kana munhu abatwa aine mhosva yekuba mombe.

Mutongi wedare repamusoro Amai Nokuthula Moyo vakaongorora mutongo wamuzvare Mayonyese vakati Mujuru aifanirwa kuenda kujeri kwemakore mapfumbamwe uye rikapawo mutongo wekuti muzvare Mayonyeze vambomiswa basa nyaya yavo ichiongororwa kusvika pakuzodzingwa basa kwavaitwa.

Amai Moyo vakatiwo gweta raMujuru VaTonderai Chitere vanofanira kuti vaongororwe nesangano remagweta reLaw Society of Zimbabwe. VaChitere vaipomerwa mhosva yekuti vakapa dare humbowo husiri ihwo munyaya iyi.

Vane ruzivo nezvenyaya iyi vanoti VaChitere akabhadhariswa mari inosvika madhora mazana mashanu neLaw Society of Zimbabwe ekusatevedzera mhiko dzemagweta.

Mutungamiri weLaw Society of Zimbabwe Amai Vimbai Nyemba vaudza Studio 7 kuti havakwanise kutaura parizvino sezvo vachiri kumbozeya nyaya yaVaChitere naMuzvare Mayonyese.

Pasi pemitemo yeJudicial Services Commission muzvare Mayonyese vanogona kupikisa kudzingwa kwavo basa mukati memazuva makumi maviri nerimwe. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna muzvare Mayonyese panyaya iyi.

Veruzhinji vanowanzochema-chema nerekuti vashandi vekumatare edzimhosva havaite mabasa avo nemazvo uye vanoita zvehuwori.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG