Chikwata cheMDC Renewal Team chinotungamirwa naamai Sekai Holland chinoti mutauriri wedare reparamende akasungwa mbira dzakondo panyaya yekuda kudzingwa kwenhengo dzechikwata ichi nechikwata cheMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.
Vachitaura nevatori venhau pamahofisi avo muHarare neMuvhuro , munyori mukuru muMDC Renewal Team, VaTendai Biti, vakati chikwata chavo hachisi kufara nedanho ratorwa neMDC yaVaTsvangirai rekuda kudzinga nhengo dzechikwata chavo makumi maviri neimwe mudare reparamende pamwe neseneti.
VaBiti vati VaTsvangirai havana kodzero yekudzinga nhengo idzi muparamende sezvo vachiti vakavadzinga mumusangano muna Kubvumbi wegore rapera zvichitevera musangano wakaitwa kuMandel Training Centre muno muHarare.
Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu vaudza Studio 7 parunhare kuti pane zvachinja zvavekukonzera kuti mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vatarise nyaya iyi patsva.
VaBiti vatiwo nhengo dzavo hadzifanirwe kubviswa muparamende pamusana pekuti vakavamba rimwe bato ravekudaidzwa kuti United Movement for Democratic Change kana kuti UMDC. VaBiti vapomerawo MDC yaVaTsvangirai mhosva yekushanda pamwechete nenhengo dzeZanu-PF uye vati vane humbowo hwekuti vamwe vevanhu ava ndiVaOliver Mandipaka vanomirira Buhera South mudare reparamende.
Asi VaBiti varamba kutaura kuti humbowo hwavanhwo ndehupi. Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVaMandipaka kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi asi mutauriri we Zanu-PF, VaSimon Khaya Moyo varamba mashoko aVaBiti aya vachiti bato ravo harinei nekurwisana kuri kuitika pakati pezvikwata zviviri zve mdc izvi.
VaGutu vatiwo mhosva yekudyidzana neZanu-PF yavari kupomera nava biti kuda kuvazodza mafuta enguruve yavasina kudya. Zvichakadai, VaMudenda vakatarisirwa kutura mutongo wavo mangwana panyaya iyi pachagara dare reparamende.'
Mune imwewo nyaya ine chekuita neparamende, vaimbova munyori anowona nezvekufambiswa kwemabasa mu Zanu-PF avo vakange vari mumiriri weHeadlands muparamende VaDidymus Mutasa pamwe nevaiva mumiriri weHurungwe West muparamende, VaThemba Mliswa, neChipiri vakakwidza nyaya yavo yekudzingwa muparamende kudare repamusoro-soro reConstitutional Court.
Kudzingwa kwakaitwa vaviri ava muparemende kunotevera kudzingwa kwavakaitwa mumusangano nebato ravo reZanu-PF zvichitevera kongiresi inonzi naVaMutasa haina kufambiswa zvakanaka.
VaMutasa vakatokwidza nyaya iyi kumatare vachida kuti zvakabuda pakongiresi yeZanu-PF muna Zvita zvisendekwe parutivi asi nyaya iyi haisati yanzwikwa mumatare.