WASHINGTON —
Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vacharamba vachishanda zvakasimba mukuona kuti hurumende yavandudza mitemo yesarudzo, pasati paitwa dzimwe sarudzo muna 2018.
VaTsvangirai vanotiwo havawirirane nepfungwa dzevanhu vari kuda kuvapinza pavanhu vakanokora muhomwe yebhanga guru renyika vachiti uku kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.
VaTsvangirai vari muchirongwa chekusangana nevanhu munyika yose vachiudza vatsigiri vavo pavamire sebato uye zvinofanirwa kuitwa neruzhinji rweZimbabwe, uyewo vachinzwa zviri kubuda muvanhu vavari kusangano navo.