Accessibility links

Breaking News

Rwendo rwaVaKasukuwere kuCrimea Rwokonzera Mutauro


Kasukuwere
Kasukuwere

Gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanika VaSaviour Kasukuwere vakonzera mutauro nerwendo rwavo kudunhu reCrimea iro yakatorwa nechisimba neRussia kubva kunyika yeUkraine.

Kushanya kwaVaKasukuwere kunyika iyi kuri kushorwa zvakanyanya neUkraine iyo isiri kufara nekutorwa nechisimba kwakaitwa dunhu iri neRussia. Asi Russia inoti yakaita izvi kudzivirira vanhu vari munyika iyi vanehukama neRussia uye vachitaura mutauro mumwe chete navo.

Munyori mubazi rinoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika VaJoey Bimha vati havangataure nezverwendo urwu sezvo vari pazororo.

Mumiriri weEuropean Union muZimbabwe VaPhilippe Van Damme vanoti havana zvinhizhinji zvingaitwe nesangano ravo kuZimbabwe sezvo chibvumirano chekusadyidzana neCrimea ndecheEU chete kwete cheUnited Nations.

Hatina kukwanisa kubata VaKasukuwere kuti tinzwe divi ravo. Asi nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika vaClifford Mashiri vanoti zvaitwa neZimbabwe zvinokonzera mutauro pakati penyika neEuropean Union.

Hurukuro naVaClifford Mashiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe pari zvino iri kuyedza kugadzirisa hukama hwayo neEuropean Union mushure mekunge yambotemerwa zvirango ichi pomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu. Asi Zimbabwe inoti EU haina kufara nekuti yakagovera minda yaive nevachena patsva.

XS
SM
MD
LG