Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Joice Mujuru vanoti neMuvhuro manheru vakatambira tsamba kubva kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiti vavamisa basa.
Asi amai Mujuru vakaudza Studio 7 kuti tsamba iyi yainge yakakanganiswa chikamu chebumbiro remitemo remutemo chekupa chikonzero chekuvamisa basa.
Zvichakadaro, VaMugabe vakadzingawo makurukota ehurumende masere, nemutevedzeri wegurukota mumwe chete.
Vakadzingwa basa ava ndivaWesbter Shamu avo vange vari gurukota rezvehumizha hwema computer, gurukota ranga richiwona nezvedzidzo yepamusoro, Amai Olivia Muchena, gurukota ranga richiwona nezvemhando dzemoto, VaDzikamai Mavhaire, mutevedzeri wavo VaMunacho Mutezo, gurukota ranga richishanda riri muhofisi maVaMugabe, VaDidymus Mutasa, gurukota ranga richiwona nezvevechidiki, VaFrancis Nhema, gurukota ranga richiwona nezvevashandi, VaNicholas Goche pamwe engurukota ranga richiwona nezvedunhu re Mashonaland East, VaSimbaneuta Mudarikwa.
Mutsamba yanyorwa nemunyori mukuru wedare remakurukota VaMisheck Sibanda, iyo iri mumaowoko eStudio 7, VaMugabe vashandisa chikamu 108(1)(a) chebumbiro idzva remitemo yenyika vachiti makurukota aya anga achitadza kuita basa sezvanga akatarisirwa.
Mumwe wevadzingwa ava VaMavhaire vakamboita hasha pavakabvunzwa nezvekudzingwa kwavo. Asi vakazotenda VaMugabe nekumbovapa mukana wekushanda muhurumende yavo vachiti ivo vanoziva kuti vakaita zvose zvavaikwanisa kunyange hazvo zhinhu zvakawoma panguva iyo vasati vadzingwa.
Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCentre for Community Development in Zimbabwe, VaGeorge Makoni vati zvaitwa izvi zvinoburitsa pachena kuti mu Zanu-PF magara mune kurongerana.
Vaimbova mutungamiri wesangano revadzidzi reZINASU, VaPride Mukono, vati kudzingwa kwaitwa amai mujuru nemakurukota aya ayo anofungidzirwa kuti ari kuchikwata chaamai Mujuru kwakureva kuti nyaya yekuti ndiani achatora matomhu kuna VaMugabe haisati yatombotanga.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari nyanzvi zvakare munyaya dzekutorwa kwenhau, VaSydney Masamvu, vati zvaitwa izvi zvatosiya Zanu-PF yave nemaburi achanetsa kuvhara.
Amai Mujuru varikupomerwa mhosva yekuronga zvekubvisa VaMugabe pachigaro zvechisimba asi vari kuramba mhosva iyi pamwe nedzimwe dzinosanganisira nyaya dzehuori.
Kudzingwa kwaitwa amai Mujuru nemakurukota aya muhurumende kwave kureva kuti VaMugabe vachadoma vatevedzeri vatsva pamwe nekuvandudza dare remakurukota.
Vazhinji vakatura neStudio 7 vatiwo kudzingwa basa kwamai Mujuru nemamwe makurukota kuno ratidza simba remudzimai wavo amai Grace Mugabe sezvo vakataura pavaiita misangano yavo kumatunhu kana kuti maPeople’s Rallies kuti mai Mujuru nevamwe vavo vaizodzingwa basa.
Mumwe mugari wemuHarare akaramba kudomwa nezita anoti haafungi kuti vamugabe vaidzinga amai mujuru nevamwe vavo basa dai mudzimai wavo asina kupinda munyaya dzematongerwo enyika.
Mumwewo mugari wemuHarare vaudza Studio 7 kuti zvaitika kuna Amai Mujuru zvagara zvakarongwa uye zvinoratidza kusamira zvakanaka kwezvinhu mubato reZanu-PF.
Muzvare Tsitsi Dube vanogara mumusha weveruzhinji weGlen Norah vanoti varwadizwa chose nekudzingwa basa kwaamai mujuru vachiti izvi zvaratidza kuti VaMugabe vaida kubata madzimai kumeso apo vakadoma amai Mujuru semutevedzeri wavo.
Vati chivimbo chavo ndechekuti VaMugabe vachadoma mumwe mudzimai zvekare kuti atore chinzvimbo chasiiwa naamai mujuru.mukuru wemedia centre zvakare vachiongorora zvematongerwo enyika, VaEanerst Mudzengi, vati kudzingwa kwaamai Mujuru nevamwe vavo kuchasiya bato reZanu-PF riine zinyekenyeke.
Asi mumwe mutori wenhau akanyora pamusoro paamai Mujuru kwenguva yakareba zvakare ari nhengo yesangano rinomiriria vapepeti venhau, VaBarnabas Thondhlana anoti kudzingwa kwevanhu ava hakuna zvakaunobatsira nyika.
Mashoko aVaThondhlana atsigirwa nemutauriri weZimbabwe Crisis Coalition VaMfundo Mlilo avo vati makatamwa ari muzanu pf ari kuramba achivhiringa hupfumi hwenyika.
Vati Zanu-PF sebato ririkutonga rinofanira kugadzirirsa hupfumi kuti vanhu vawane mabasa nekugara zvakanaka asi izvi hazvisi kutika sezvo vanhu vari kuepdza nguva vachirwisana.
Vati semuenzaniso neMuvhuro gurukota rezvemari, VaPartick Chinamasa vakatadza kupinda mumusangano wekuzeya bhajeti regore rinouuya nenhengo dzeparamende vari kumusangano weZanu-PF.
Amai Mujuru vevamwe vavo vari kupomerwa mhosva yekuti vaida kubvisa vamugabe pachinzvimbo zviri kunzwe kwemutemo. Asi hapana humbowo huzere huri kupihwa.