Accessibility links

Breaking News

Kunetsana muZanu-PF Kwoenderera Mberi


FILE - Zimbabwean President Robert Mugabe attends the funeral of his sister Bridget, in Zvimba, Zimbabwe, Jan. 21, 2014.
FILE - Zimbabwean President Robert Mugabe attends the funeral of his sister Bridget, in Zvimba, Zimbabwe, Jan. 21, 2014.

Mutungamiri weZanu-PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChina vari kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo musangano wemadzimai ebato ravo.

Musangano weWomen's League Conference uri kuitwa panguva iyo mubato iri muine kunetsana kunonzi kuri pakati pevanhu vanonzi vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joyce Mujuru, nevanonzi vari kutsigira munyori wezvemitemo mubato, VaEmmerson Mnangagwa.

Chinangwa chevaviri ava chinonzi ndechekukura nzira kuti ndiyani anozotora chigaro chaVaMugabe mune remangwana.

Pasi pemitemo, VaMugabe vakabva pachigaro chavo zvose mubato nemunyika, Amai Mujuru ndivo vanofanobata matomu kudzamara kwaitwa sarudzo.

Vari kuona zviri kuitika mubato vanoti pane kukandirana makobvu nematete kunotyisa pakati pevatsigiri vevaviri va Amai Mujuru nevaVaMnangagwa.

Vari kutungamira Zanu-PF Women’s League, Muzvare Oppah Muchinguri, vanoti pane kupambwa uye kutyisidzirwa kwemadzimai kuti avhotere vamwe vanhu.

Asi mutauriri webato, VaRugare Gumbo, vanoti izvi ndezvemugotsi matsuro uye bato rinofanira kutorera Muzvare Muchinguri matanho akasimba.

Nyaya yaMuzvare Muchinguri yange ichitarisirwawo kuti izeyiwe mumusangano uri kuitwa Chitatu weNatioal Directorate uri kutarisa nezvegadziriro yemusangano wemadzimai uyu.

KuKwekwe kwakaitawo zvibhakera neMuvhuro pakati pemumiriri weKwekwe Central, VaMasangango Matambanadzo, avo vanonzi vakarova munyori anoona nezvekudzivirirwa kwedunhu reKushinga muMidlands, VaMarco Msipa, vachivapomera mhosva yekutsigira VaMnangagwa.

Hatina kukwanisa kubata Muzvare Muchinguri kuti tinzwe zviri kuitika sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Asi VaGumbo vanoti vari kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato vacharangwa nekuzvibisa zita rebato.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoshanda yakazvimirira, VaBlessing Vava, vanoti nyaya yekurwira chigaro chaVaMugabe ndoyosimudza mutauro.

XS
SM
MD
LG